Misika yefodya 2 yovhurwa kwaRusape

09 Mar, 2018 - 00:03 0 Views
Misika yefodya 2 yovhurwa kwaRusape VARIMI vefodya kudunhu reManicaland vanotarisirwa kubatsirika zvikuru zvichitevera mashoko ekuti kuchavhurwa misika miviri yekutengesera fodya kwaRusape gore rino.

Kwayedza

Lovemore Kadzura ari kwaRusape
VARIMI vefodya kudunhu reManicaland vanotarisirwa kubatsirika zvikuru zvichitevera mashoko ekuti kuchavhurwa misika miviri yekutengesera fodya kwaRusape gore rino.

Mumwe wemisika iyi uchange uri pasi pekambani yeAgritrade Leaf Tobacco, inove  itsva, uye pane runyerekupe rwekuti Mashonaland Tobacco Company iri kuda kudzoka kuzoshandira mudhorobha iri umo yakamboshandira kwemwaka mitatu isati yavhara.

Kuvhurwa kwemisika yekutengesera fodya iyi kwaRusape kunotarisirwa kurerutsira varimi zvikuru sezvo parizvino vari kutambura nekutsvaga mari yezvifambiso yekuti vanotengesa chirimwa chavo  kuHarare.

VaKudakwashe Saringo avo vanove field operations manager kuAgritrade Leaf Tobacco vanoti kambani yavo – iyo yakatanga kushanda gore rapera – yakatora danho rekuti inge ichienda kuvarimi nedonzvo rekuvarerutsira kuti vatengese fodya yavo zviri nyore.

“Takatora danho iri kuti tinge tichienda kuvarimi. Takaona kuti varimi vefodya vari kusangana nematambudziko makukutu panguva iyo vanenge vachida kutengesa fodya yavo kuHarare,” vanodaro.

“Zvinodhura kuvarimi vekuManicaland kutakura chirimwa chavo kuendesa kuHarare uye pamusoro pezvo zvine njodzi zvakare sezvo dzimwe nguva vanorasikirwa nemakgs eimwe fodya yavo nekuda kwetsaona kana kubirwa. Danho iri richaita kuti pasave nekuwandisa kwevarimi kumisika yekuHarare izvowo zvichaita kuti basa iri rive nyore kuri fambisa.”

Vanoti varimi vari kufara zvikuru nekuvhura kwavakaita musika uyu uye vakawanda vakatotanga kunyoresa navo kuti vazotengesa fodya yavo.

“Tichange tichipa mitengo yakaringana uye yakanaka zvichienderana nehunaku hwefodya yacho. Hatidi kubirira varimi avo vanenge vakashanda nesimba mubasa ravo. Tichapinzawo basa vanhu vane chitsama senzira yekudzikisa huwandu hwevasina mabasa munyika,” vanodaro VaSaringo.

Zvakadai, VaFarai Mapfumo avo vanove coordinator wesangano reManicaland Young Farmers Federation uye vari murimi kuHeadlands zvakare vanoti vanotambira danho rekuvhurwa kwemusika wefodya uyu nemufaro mukuru.

“Iri idanho rakanaka rekuti misika yefodya yave kudzoswa kuno zvakare,” vanodaro.

“Izvi ndizvo zvatagara tichichemera. Tinoda musika unoramba uripo maRusape.”

Fodya ndicho chirimwa chinonyanya kurimwa kwaRusape nedzimwe nzvimbo dzakapoteredza dzinosanganisira Odzi neMacheke, asi varimi  vanotambudzika apo vanoda kunoitengesa kuHarare.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>