Mitambo yeDivision One yosimudzira

19 May, 2022 - 21:05 0 Views
Mitambo yeDivision One yosimudzira Martin Kweza

Kwayedza

Abel Ndooka

HUTUNGAMIRI hweNorthern Region Division One hwazivisa kuti mitambo yenhabvu yange yambomiswa kuitira kuti patambwe Axis Solutions Super 8 Tournament ichasimudzira nemusi wa4 Chikumi.

Pakamiswa mitambo iyi mwedzi wadarika, Golden Eagles ndiyo yange ichitungamira palog iine zvibodzwa 32 kubva pamitambo 16 yakatambwa.

Herentals U20 yaive panhamba yechipiri nezvibodzwa 34 kuchiti pechitatu pakagarwa neSimba Bhora iyo ine zvibodzwa 33 asi yatamba mitambo 15.

Nerimwewo divi, mutambi weSimba Bhora, Tinashe Balakasi, pari zvino ndiye ari kutungamira murwendo rwekurwira mubairo weGolden Boot sezvo akwanisa kunwisa ka18 kubva mumitambo 15 yatambwa nechikwata chake.

Anoteverwa naClaude Mapoka weGolden Eagles uyo anwisa kanomwe kubva mumitambo 16.

Muchinyorwa, icho chakatumirwa kuzvikwata zvose, sachigaro weNorthern Region Division One – Martin Kweza – anoti zvikwata zvinofanirwa kugara zvakagadzirira sezvo mitambo iri kuzosimudzira nemusi wa4 Chikumi.

Tinashe Balakasi

“Mitambo yedu tinotarisira kuti ichasimudzira musi wa4 Chikumi. Tazorangana kuti mitambo isimudzirwe pazuva iri kuti zvitipewo nguva yekupedza kuita hurukuro nevaridzi vepembe pamusoro penyaya yemari yavanozobhadharwa.

“Hatichatange zuva iro taitarisira kuti tichatanga nekukurumidza,” anodaro Kweza.

Zvakadaro, pachasimudzirwa mitambo yeligi iri, ichatambwa kusvika ipere, kochizotambwa fainari yeAxis Solutions Super 8 iyo ichaona Simba Bhora ichibandana neGolden Eagles FC.

Share This:

Sponsored Links