Mitambo yekuEngland yamiswa

09 Sep, 2022 - 17:09 0 Views
Mitambo yekuEngland yamiswa Queen Elizabeth

Kwayedza

Munyori weKwayedza

MITAMBO yeEngland Premier League yesvondo rino yamiswa nhasi zvichitevera kufa kwaQueen Elizabeth II nezuro manheru.

Great Britain yapinda mumazuva 10 ekuchema mambokadzi avo vakatonga nyika iyi kwemakore anodarika 70.
Izvi zvaona England Football Association (FA) ichimisa mitambo yose yenhabvu yemuEngland yange ichazotambwa svondo rino.

Muchinyorwa chaburitswa neEngland FA inoti: “Zvichitevera musangano wataita nhasi mangwanani, zvikwata zvemuPremier League zvacherechedza Her Majesty Queen Elizabeth II.

“Senzira yekukudza upenyu hwavo uhwo hwaive hwakatikoshera nenyika yedu uye senzira yekuvaremekedza, mitambo yesvondo rino yePremier League yambomiswa kusanganisira yemusi weMuvhuro.”

Share This:

Sponsored Links