Mitambo yemaOlympics

18 Aug, 2016 - 07:08 0 Views

Kwayedza

MITAMBO yemaOlympics yakatanga kutambwa kuguta reRio de Janeiro, munyika yeBrazil musi wa5 Nyamavhuvhu yasara nemazuva mashoma-shoma kuti ipere. Mitambo yemaOlympics iri muzvikwata zvakasiyana-siyana yakaunganidza vatambi venyika dzinopfuura mazana maviri dzepasi rese kuti vakwikwidze murufaro, kubatana nerudo – vanenge vagona vachipihwa mhenduru dzegoridhe, sirivheri nebronze.

Nyika imwe neimwe yaiendesa vatambi vainoziva kuti vanonowana mhenduru. Zimbabwe ndiyo yedzimwe dzenyika dzine vatambi 31 vari kuRio – maMighty Warriors vebhora rechidzimai, Kirsty Coventry wekutuhwina nevamwe vari mumitambo yokumhanya.

Tikada kuenzanisa nedzimwe nyika, tinoona kuti vamwe navamwe vaiendesa vatambi vane huwandu hwakasiyana: Algeria – 65, Afghanistan – 3, Angola – 26, Belgium – 106, India – 121, Australia – 424, China – 403, Canada – 314, United States – 558, Brazil – 471 zvichingodaro.

Asi mitambo yave kusvika pakuda kukomberwa musi wa25 Nyamavhuvhu, tinoona kuti vatambi vese vakaenda kunomiririra nyika, havasati vawana mhenduru, kana zvichienzaniswa nedzimwe nyika. Tariro yokuti kuchauya mhenduru yave kure zvikuru, asi tinotenda kuti vakaita pavo, vachisimudza mureza wenyika.

Kusvika pakunodhindisa bepanhau rino, USA yakange yave nemhenduru 84, Britain – 50, China – 51, Russia – 38, Germany – 26, zvichidaro.

MuAfrica, hongu tinadzo nyika dzakaita seSouth Africa neKenya dzine vatambi vakawana mhenduru, asi ishoma. Nyika zhinji dzine vamiriri kuRio hadzisati dzawana mhenduru, uyewo tariro yokuwana yave kure.

Munyika vanhu vari kuchema-chema kuti sei tichitadzawo kuwana mhenduru, kwete bronze, asi kana dzegoridhe chaidzo? Vatambi vanonomiririra nyika vanenge vabikwa vakaibva zvakakwana here zvokuti vakwanise kunokwikwidza padanho rapamusoro-soro kudaro?

Nyika inayo here mari yokukwanisa kuti vatambi vemitambo yakasiyana-siyana vagone kugadzirira, uyewo kuti vagovewo netariro yokudzoka vaine chavakabata? Panze pemari yakawanda, tinavo here vanhu vanokwanisa kudzidzisa vatambi vedu kuti vasvike padanho rokudadisa sechizvarwa chokuJamaica, Usain Bolt, anomhanya kunge mheni?

Vamwe vari kuti Hurumende iri kuzvionawo sei kuti vanoperekedza vana kuenda kumitambo, asi vanodzoka vasina chavakabata? Mapazi eHurumende akasiyana-siyana anokoshesa zvakadii nyaya dzemitambo?

Ko makambani ari munyika, anokoshesa zvakadii nyaya dzemitambo, nokuti ndiwo anotarisirwa kupa rutsigiro rwakakura rwemari nezvimwe kuvatambi vachiri kugadzirira, vave kuenda, uyewo vadzoka?

Kuzoona munhu wave kukwikwidza kumaOlympics unenge wabva nemumhuri nemuzvikoro. Vamwe vari kuti mapazi maviri iwaya ndiwo ari kuuraya mitambo yedu.

Vabereki vakawanda zvikuru havana hanya kuti mwana agone mitambo. Chavanoda kuona kupasa kwake mune zvokunyora nokuverenga. Ndosaka tichiona muzvikoro zvakawanda pamazuva emitambo, panenge paine vabereki vashoma-shoma vanouya kuzookera vana vavo.

Muvabereki zvese nemuzvikoro, mune pfungwa yakadzika midzi yokuti zvemitambo hazvibhadhare, asi tikaita ongororo, tinoona kuti muno muZimbabwe mune vanhu vakapfumiswa nezvemitambo izvozvi. Hazvina kusiyana nokuita chiremba, gweta kana nyanzvi yezvesainzi.

Kune dzimwe nyika dzine mari, vazhinji vevatambi vari kuwana mamenduru, vanonopedzisira vave mamirioneya, zvokuti zvinovapawo shungu dzokuda kukwikwidza zvakare. Zvinovapawo simba rokuti vazoda kudzidzisa vatambi vamangwana, kana kuita vana chipangamazano, kuitira kuti mitambo igare iri pamusoro-soro.

Yasvika nguva yokuti ivava vakaenda kana vadzoka, nyika iise misoro pamwe chete yoona kuti zvii zvingaitwa kuti vanhu vanokwikwidza vadzoke vakabata menduru dzegoridhe.

Yasvikawo nguva yokuti tidade tichiti gore rakati, Hurumende yakadaidzira zororo mushure mokunge mutambi kana vatambi vakange vaenda kumaOlympics vakunda vakapihwa menduru dzegoridhe. Kachitsuwa keFiji kakazviita musi uno mushure mokunge vatambi verugby vawana menduru yegoridhe.

Mumhanyi wokuSouth Africa, Wayde Van Niekerk’s, azengezesa nyika kusanganisira nepasocial media ahwina menduru yegoridhe pa400 metres. Vanhu vari kushushikana kuti pamitambo yese yatiri kuona iri kutambwa kuBrazil, tingabva tashayawo kana kwedu kwatinokwana?

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey