
Abel Ndooka
MITAMBO yeCastle Premiership iri kusimudzira svondo rino mushure mekumbomiswa kwemasvondo maviri senzira yekupa chikwata chenyika chemaWarriors mukana wekutamba mitambo yekurwira kuenda kuFIFA 2026 World Cup.
Zvisinei, mitambo yePSL yange ichifanirwa kuzodzoka mumasvondo anotevera sezvo maWarriors ange achitarisirwa kuramba ari kuSouth Africa kuti atambe mutambo weCOSAFA zvichitevera kupera kwemitambo yekurwira kuenda kuWorld Cup.
Asi mutambo weCOSAFA wakambomiswa izvo zvakaita kuti yePSL ichisumudzirwa svondo rino.
Mutauriri wePSL – Kudzai Bare – akazivisa kuti mitambo yePSL iri kusimudzira svondo rino.
“Zvichitevera kumiswa kwakaitwa mutambo we2024 COSAFA Tournament, mitambo yeCastle Lager Premier Soccer League ichasimudzira kutanga musi wa15 Chikumi 2024,” anodaro Bare.
Mumitambo iriko, ichaona Dynamos iri pamusha kunhandare yeRufaro Stadium musi weSvondo apo ichasangana neZPC Kariba.
DeMbare mwaka uno haisi kunyatsotamba zvinogutsa izvo zviri kuona vatsigiri vayo vachidyira magaka mambishi murairidzi wechikwata ichi – Genesis ‘Kaka’ Mangombe – uyo wavari kuti ari kuvadzosera kumashure.
Parizvino DeMbare yakagara pechinomwe palogo rePSL iine zvibodzwa 19 kubva pamitambo 14.
DeMbare yakasiiwa nezvibodzwa 10 neManica Diamonds iyo iri kutungamira palogo rePSL.
ZPC Kariba yakagarawo pechi12 palogo iine zvibodzwa 17 kubva pamitambo 14.

Takesure Chiragwi
Shasha yePSL yemwaka wadarika, Ngezi Platinum Stars kana kuti Madamburo ichange iri pamusha payo kuBaobab musi weMugovera apo ichasangana neChicken ‘Gamecocks’ Inn.

Joey Antipas
Vakomana vaTakesure Chiragwi vane gomo guru rekukwira mwaka uno kuti vachengetedze mukombe wavo wePSL nekuti havana kutanga zvakanaka izvo zvavaona vachisiiwa nezvibodzwa zvisere neManica Diamonds.
Madamburo iri kufanirwa kukwidziridza masokisi ayo yotanga kuhwina mitambo inotevera kana ichida kuwana mukana wekuchengetedza mukombe wayo kana kupedza iri pakati pezvikwata zvepamusoro.
Parizvino Madamburo yakagara pechitanhatu palogo rePSL iine zvibodzwa 21, kuchiti chikwata chaJoey Antipas, maGamecocks akagara pechishanu aine zvibodzwa 22 kubva pamitambo 14.
Nerimwe divi, Manica Diamonds iri kuenda kuHarare kuzosangana neYadah Stars nemusi weMugovera kuHeart Stadium.

Jairos Tapera
Murairidzi weManica Diamonds – Jairos Tapera – pamwechete nemutambi wechikwata chake Michael Tapera vakagara mudenga rechinomwe sezvo vachangobva kuhwina mubairo weCoach of the Month naPlayer of the Month munaChivabvu.
Izvi zvinotevera kutamba kwakaita chikwata ichi nhabvu inonwisa mvura mumwedzi uyu.
Jairos, uyo ange ari kuSouth Africa achirairidza maWarriors, ari kutarisirwa kusvika achitungamirira chikwata chake kuti chirambe chichirwira mukombe wePSL.
Mune mimwe mitambo yePSL iriko svondo rino, chikwata chaTonderai Ndiraya cheSimba Bhora chichange chiri pamusha kuWadzanayi Stadium kuShamva uko chichasangana neArenel Movers, kuchiti Highlanders (Bosso) ichange iri pamusha payo kuBabourfields ichitamba neBikita Minerals.
CAPS United iri kuenda kuBata Stadium kuGweru uko ichanotatsurana neTelOne FC musi weSvondo.