Mitambo yePSL yamiswa

31 May, 2024 - 01:05 0 Views
Mitambo yePSL yamiswa Kudzai Bare

Kwayedza

Abel Ndooka

MITAMBO yePremiership Soccer League yambomiswa kutanga svondo rino senzira yekupa mukana kuchikwata chenyika chemaWarriors kuti chiite gadziriro dzemitambo yekurwira kuenda ku2026 FIFA World Cup pamwe neCOSAFA Men’s Championships.

Muchinyorwa, mutauriri wePremier Soccer League – Kudzai Bare – anoti mitambo yePSL ichambomira kuitira kuti maWarriors aite gadziriro dzekuenda kuSouth Africa uko achanotamba mitambo miviri yekurwira kuenda kuWorld Cup neSouth Africa neLesotho.

Panguva iyi, pachatambwa mutambo mumwechete weHerentals College neBikita Minerals uyo wakange wambomiswa.

Herentals FC

“Tinoda kuzivisa kuti Premier Soccer League ichambotora zororo kutanga musi wa1 Chikumi kuti zvipe mukana kumutambo weFIFA World Cup Qualifiers neCOSAFA Men’s Championships.

Bikita Minerals

“Panguva imwechete iyi, pachangotambwa mutambo mumwechete weHerentals neBikia Minerals nemusi wa1 Chikumi kunhandare yeRufaro Stadium.

“Mitambo yePSL ichazosimudzira zvekare nemusi wa22 Chikumi,” anodaro Bare.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey