Mitambo yePSL yamiswa

17 Nov, 2021 - 10:11 0 Views
Mitambo yePSL yamiswa Kennedy Ndebele

Kwayedza

Abel Ndooka

SANGANO rePremier Soccer League razivisa kuti mitambo yose yePSL ye”match day two” iyo yange ichitambwa svondo rino yambomiswa zvichitevera kusauya kwaita varidzi vepembe kuzoridza mune mimwe mitambo yange ichifanirwa kutambwa nhasi.

Pachinyorwa chabva kuPSL, chamangwiza wePSL, Kennedy Ndebele, anoti kusabatika kwaita varidzi vepembe mumitambo yanhasi kwavatuma kumisa mitambo yose ye”match day two” nechinangwa chekuedza kuita tsvakurudzo kuti zvafamba sei.

“Tinoziva kumiswa kwemitambo yose yematch day two izvo zvakonzerwa nekusauya kubasa kwaita varidzi vepembe kumitambo yakasiyana.

“Asi kune vamwe vaenda kunhandare vachida kunoridza asi havana kuzokwanisa kuenderera mberi sezvo vamwe vazongoregedza mitambo yave kuda kutanga.

“Tamboedza kuita hurukuro neZIFA Referees Committee kuti tinzwisise kuti zviri kufamba sei, asi hapana chabuda.

“Tinovimba kuti zvichagadzirika nekukasika,” anodaro Ndebele.

Kusabatika kwevaridzi vepembe kumitambo yanhasi vamwe vanoti zvakonzerwa nekumbomiswa kwaita basa bhodhi reZIFA nhasi neSports and Recreation Commission (SRC).

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>