Mitambo yezusa yoitwa svondo rino

21 Jun, 2014 - 15:06 0 Views
Mitambo yezusa yoitwa svondo rino

Kwayedza

MSU-1ACHANGE ari makuwerere paMidlands State University svondo rino apo zvikwata 13 zvemayunivhesiti zvichange zvichitatsurana pamitambo yakasiyana-siyana yeZUSA Old Mutual Championship. Mitambo iyi inosanganisira nhabvu, hockey, karate, rugby, volleyball, table tennis, tennis, basketball, handball, cricket, chess, darts negorofu.

Mutungamiri weZimbabwe Universities Sports Association, Liberty Maidza,  anoti pamutambo uyu zvikwata zvichakwikwidza zvichaiswa mumapoka maviri anoti Northern Region  neSouthern Region.

Anoti zvikwata izvi zvichange zvichirwira kupedza zviri pamusoro kuti zvigobudirira kupinda mufainari iyo ichazotambwa musi weSvondo.

“Chakachaya svondo rino paMidlands State University kuGweru.
“Tichange tine zvikwata zvemitambo yakasiyana zviri kubva kumayunivhesiti emuno.
“Achange ari makuwerere nekuti mitambo iyi gore negore inowanzonakidza saka gore rino tiri kuzvitarisira zvikuru.

“Mitambo iyi ichatanga kutambwa musi weChishanu ichizopera musi weSvondo. Pamitambo yese ichakwikwidzwa  zvikwata zvakaiswa mumapoka maviri anoti Southern Region neNorthern Region.

“Tinotarisira kuti fainari ichazotambwa musi weSvondo uye zvikwata zvepaUniversity of Zimbabwe zvinoziva kuti zvine basa guru rekubata sezvo zvirizvo zviri kurwira kuchengetedza mukombe wazvo wenhabvu wazvakahwina gore radarika,” akadaro Maidza.

Zvakadaro, Maidza anoti mitambo iyi yakakosha zvikuru kune vadzidzi vari kumayunivhesiti sezvo vachidzidza zvakawanda kubva kwairi.

Anoti vari kushandisa mitambo iyi kuti vakwanise kuumba ramangwana revadzidzi ava.
“Mitambo tinoikurudzira zvikuru mumayunivhesiti nekuti tinoda kuti mwana wese awane mukana wekuumba ramangwana rake.

“Mitambo iyi inobatsirawo kuti mwana akwanise kuonekwa nemakirabhu akawanda saka isu chedu kuvaka tarenda rake,” akadaro Maidza.

Mayunivhesiti achakwikwidza kumutambo uyu anoti: University of Zimbabwe, National University of Science and Technology, Catholic University in Zimbabwe,  Midlands State University, Zimbabwe Open University, Lupane State University neHarare Institute of Technology.

Mamwe ndeanoti Zimbabwe Ezekiel Guti University, Great Zimbabwe University, Africa University, Chinhoyi University of Technology, Bindura University of Science Education neWomen’s University in Africa

Share This:

Sponsored Links