Mitambo yose yamiswa neSRC

04 Jan, 2021 - 10:01 0 Views
Mitambo yose yamiswa neSRC Dr Coventry

Kwayedza

Abel Ndooka
SANGANO rinotungamira mitambo yose reSports and Recreation Commission (SRC) rakazivisa nyika kuti mitambo yose yakumbomiswa apo nyika yave kudzokera palockdown yechipiri.

Zvichitevera zvirango zvakaiswa nehurumende nemusi weMugovera apo mutevedzeri wemutungamiri wenyika Rtd General Dr Constantine Chiwenga avo vanovezve gurukota rezvehutano nekurerwa kwevana vakazivisa nyika kuti tave kudzokera palockdown yechipiri senzira yekurwisa kupararira kwedenda reCovid-19 icho chauraya vanhu vakawanda mumazuva adarika, SRC yakati zvichitevera zvirango zvitsva zvakaiswa izvi nehurumende, vakakurukura negurukota rezvemitambo vechidiki nerecreation Dr Kirsty Coventry ndokubvumirana kuti zvakakosha kuti mitambo yese muZimbabwe imbomiswe kusvika musi wa31 Ndira zvozoongororwa ipapo.

Pachinyorwa chakabva kuSRC chinoti, “Zvichitevera zvirango zvitsva zvakaiswa nehurumende zvekuedza kurwisa denda reCovid-19 zvaziviswa nemutevedzeri wenyika arizve gurukota rezvehutano nekurerwa kwevana Dr Chiwenga, isu seSRC tichikurukura negurukota rezvemitambo tasvika pakuwirana kuti mitambo yese muZimbabwe imbomiswa.

“Tichazoongorora zvekare musi wa31 Ndira kuti zvinhu munyika zvinenge zvamira sei. Asi masangano akasiyana anogona kuuya kuzonyorera vachikumbira mvumo yekutamba isu toongorora nyaya yacho,” inodaro SRC.

Chinyorwa ichi chinoenderera chichiti kana kune vanotyora mitemo voronga mitambo vasina mvumo vacharangwa zvikuru.
“Kana kune vanotyora mitemo voronga mitambo zvisina mvumo, imhosva huru uye vacharangwa,” inodaro SRC.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey