Uncategorized

Mitauro yamutsa mutauro

29 May, 2015 - 00:05 0 Views
Mitauro yamutsa mutauro

Kwayedza

  •  ‘Ngatitange taziva zvemuno’ 

  •  ‘Tinodawo mitauro yevamwe’

VADZIDZI pamwe nevabereki vari kupa mafungiro akasiyana pamusoro pehurongwa huri kuda kuitwa nebazi redzidzo yepuraimari nesekondari hwekuti muzvikoro mudzidziswe mitauro yekune dzimwe nyika yakaita seFrench, Swahili, Portuguese neChinese.

Gurukota rebazi iri, Dr Lazarus Dokora, nguva pfupi yadarika vakati pane hurongwa hwekuti mitauro iyi idzidzwe muzvikoro nedonzvo rekusimudzira kudyidzana nedzimwe nyika.

Mushure memashoko aya, Kwayedza yakaita hurukuro ichida kunzwa zvinofungwa nevamwe vaverengi.

Takudzwa Bangira (16), uyo ari kuita Form 4 paChurchhill High, muHarare, anoti kufundiswa kwemitauro yekunze idanho rakanaka zvikuru asi inofanira kuve sarudzo yemudzidzi.

“Isu sevadzidzi patinoenda kuchikoro tine zvinangwa nehurongwa hwakasiyana maringe neremangwana redu. Hatifanire kumanikidzwa kutora zvidzidzo zvemitauro yekunze kana tichiona zvisina betsero, zvikuru munyaya dzekuwana mabasa.

“Inofanira kuve sarudzo yemwana, somuenzaniso, vamwe vaye vanozoda kunodzidza kumayunivhesiti ekunze kana kuti vanoda kuzoita mabasa ekuturikira mumatare edzimhosva nekuti mamwe mabasa haaneyi nemitauro iyi,” akadaro.

Tawanda Chiminya (17) wepachikoro chimwe chete ichi anoti mitauro yekunze yakanakira kuti kana mudzidzi achinge azopedza chikoro, anokwanisa kunoshanda kunyika dzakasiyana pasina dambudziko.

“Kuziva mutauro wevanhu vauchanoshandira kwakakosha nekuti kana tikaenda kune dzimwe nyika tisingazive mitauro yeko rinoita dambudziko rekutadza kana kutsvaga basa racho. Zvinhu zvinorwadza kuti mudzidzi agotangisa kudzidziswa mutauro ave kuda kuenda kubasa pachinzvimbo chekuti agare aine ruzivo,” akadaro Chiminya.

Agnes Chikukwa (20), uyo ari kuita Form 5 paCarrier Management Centre, anoti kudzidza mitauro yakasiyana kunobatsira zvikuru munyaya dzekushanya nedzemabhizimusi.

“Patinoshanya kune dzimwe nyika, zvikuru isu vanhu vemuZimbabwe tinowanikwa kwese-kwese tichiita mabhizimusi ekuhodha nezvimwe, tinokwanisa kutaura nemakasitoma edu ekunze nemitauro yavo tichinzwanana pane kumbotsvaga muturikiri. Zvekare muturikiri anodhura nekuti anotodawo kubhadharwa,” akadaro Chikukwa.

Mashoko ake akatsinhirwa naMonica Matubule (15) wepachikoro chimwe chete ichi achiti anotsigira kudzidziswa kwemitauro yedzimwe nyika muzvikoro.

“Kune vamwe vemuno vanotobirwa vanhu vachitotaura hurongwa hwese varipo nekuda kwekuti vanenge vasinganzwe mitauro yeko. Mamwe marudzi haanzwi chiRungu icho chatinofunga kuti ndicho bedzi chatinofanira kutaura kana taenda kune dzimwe nyika. Saka kana isu tichida kudyidzana navo tinotofanira kudzidza mitauro yavo,” akadaro.

VaNdinotenda Muzira (33) vekuMarondera vanoti danho rekudzidzisa mitauro yedzimwe nyika rinogona kuwedzera mutoro kuvarairidzi.

“Uyu mutoro watiri kuda kuwedzerwa nekuti pari zvino hakuna varairidzi vakakwana vanofundisa hunyanzvi hweruzivo rwechizvino-zvino. Kune zvikoro zvakawanda zvakawaniswa makombiyuta asi haasi kushanda nekuti varairidzi vashoma. Saka vanodzidzisa mitauro iyi vanobvepi kana ipo pagara paine mumwe mukaha usati wavharwa?” vakadaro.

VaLivison Machando (56) vekuChitungwiza vakapesana nepfungwa iyi vachiti idanho rakanaka kuti vana vafundiswe mitauro yekune dzimwe nyika kuitira kuti vasazoita dambudziko pavanoshanya kana kuno shandako.

VaStephen Marufu (47) vekuSt Mary’s, kuChitungwiza zvekare, vanotiwo kudzidza hakuperi, nekudaro kana vana vakadzidziswa mitauro yekune dzimwe nyika vanozokwanisawo kuziva nezveunyanzvi hutsva huri kuitwa nevanhu ivavo uho vanogona kuzoshandisa mukuvandudza maindasitiri emuZimbabwe.

VaDesmond Muvengwa (54) vanoti danho iri rinofanira kungwarirwa nekuti vadzidzi vanogona kupedzisira vave kutevedzera tsika nemagariro zvevanhu vekunze.

“Pakudzidza mitauro hazvigumiri ipapo asi kuti vanetenge vave kudzidziswa kunyangwe tsika nemagariro eko. Ndipo panotangira hudzvanyiriri nekuti sei isu tichidokwairira kudzidzira mitauro yevanhu vasingafarire kudzidza yedu,” vakadaro.

Zvakadaro, nyaya iyi yakatsviriridza zvakare mudare reNational Assembly svondo rapera apo dzimwe nhengo dzaiti vana vanofanira kutanga vadzidziswa mimwe mitauro yemuno yakaita seTonga, Shangani, Venda neNambya vasati vadzidziswa yekunze.

Vachitaura mudare iri, Dr Dokora vakati pari zvino vadzidzisi 250 vari kufundiswa kurairidza mitauro yemuno paGreat Zimbabwe University.

 

Share This:

Sponsored Links