Mitengo yezvirimwa muHarare

25 Aug, 2022 - 17:08 0 Views
Mitengo yezvirimwa muHarare Varimi vachitengesa matomatisi kuMbare Musika muHarare nemusi weChitatu chino.

Kwayedza

Malven Mugadzikwa

INOTEVERA mimwe yemitengo yezvirimwa iri kuMbare Musika nezvimwe zvitoro zviri muguta reHarare svondo rino.

Bhagidhi rechibage – kubva paUS$5 kusvika paUS$5.50

Bhagidhi remhunga – US$8

Bhagidhi rezviyo – US$20

Bhagidhi regorosi – kubva paUS$5 kusvika paUS$9

Bhagidhi remapfunde – US$6 kusvika paUS$8

Maranjisi chisaga – US$5 kana US$6

MaApples chisaga – US$8.50 kana US$9

MaApples bhokisi – kubva paUS$11 kusvika paUS$20

Madora gaba – kubva paUS$1 kusvika paUS$8 zvichienderana nekukura kwegaba

Mauyu gaba – kubva paUS$2 kusvika paUS$5 zvichienderana nekukura kwegaba

Mazai crate – US$2.50 kusvika paUS$4

Bhinzi makapu matatu – US$1

Mhiripiri bhokisi – kubva paUS$8 kusvika paUS$10

Garlic chisaga – kubva paUS$30 kusvika paUS$40

Ginger/tsangamidzi – US$2 pa 1kg

Mavise – kubva paUS$0.50c kusvika paUS$7 rimwe chete

Manhanga – kubva paUS$0.50c kusvika pa US$10 rimwe chete

Makabichi – kubva paUS$0.10c kusvika paUS$1

Mbatatisi chisaga – kubva paUS$3 kusvika paUS$10

Mbatatisi (murwi) – kubva paUS$0.50c kusvika paUS$2

Hanyanisi (murwi) – kubva paUS$0.30c kusvika paUS$1

Hanyanisi chisaga – US$5 kusvika paUS$10

Mupunga wechivanhu (brown rice) – US$1 kapu imwe chete

Hupfu hwechimera – US$1 makapu maviri

Mbambaira – kubva paUS$1 (gaba diki kana murwi) kusvika paUS$3 (gaba hombe)

Madhumbe (gaba) – kubva paUS$1 kusvika paUS$5

Mumhare wechibage – US$1 makapu maviri kana matatu

Magogoya – US$1 kusvika paUS$2

Share This:

Sponsored Links