Uncategorized

Mitumbi yevanhu 4 yanhongwa musango

24 Nov, 2022 - 17:11 0 Views
Mitumbi yevanhu 4 yanhongwa musango Asst Comm Nyathi

Kwayedza

Victor Maphosa

MAPURISA ari kuferefeta nyaya yemitumbi yevarume vana (4) vanofungidzirwa kuti zvizvarwa zvekunze kweZimbabwe, iyo yakawanikwa iri mamita mashoma kubva mumugwagwa weHarare-Nyamapanda pedyo neMudzi, kudunhu reMashonaland East.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanotsinhira nyaya iyi vachiti varume ava vanogona kunge vakafa nekuda kwekupfumbirwa apo vaive vakatakurwa mumotokari isina panopinza napo mweya wekufema (container).

Vanoti mapurisa eZimbabwe Republic Police (ZRP) ari kushanda pamwe chete nesangano rinoona nezvekurwisa kuparwa kwemhosva pasi rose reInterpol munyaya iyi.

Share This:

Sponsored Links