Mitupo, zvidawo nemadzinza

26 Apr, 2019 - 00:04 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga
ZVINODA kuti timbopota tichidzikamisa mafambiro edu mukugadzirira bvunzo tichimbobatawo zvakavanzika kumazera edu kuti tigova neruzivo pamusoro pazvo. Nemhaka yekuti takazvarwa zvinoreva izvo kuti tine kwatakabva nako kudzamara tava kuzodanwa nemazita atinawo. Vanhu vese vane gwanza ravakabva naro zvichibvira namadzitateguru.

Chikamu chino tinoda kutarisa mitupo, zvidawo zvacho pamwe nemadzinza kuti tigoona kwatakabva nako.

Vaera mhara ndevechidawo cheMbuya kana kuti chikonamombe. Dzinza ravo ndereMashayamombe. Vanasikana vavo vanonzi vanaMaromo. Vaera mhara ndevedzinza zvakare reveRomo.

Kune vaera moyo avo vane mapandiko akawanda emutupo mumwe chetewo. Kune vaera moyo vechidawo cheMoyondizvo vari vedzinza reVarozvi. Vanozvitisiyanisei zvishoma nevaera moyo vedzinza reJiri asi chidawo chavo chimwe chete cheMoyondizvo.

Panozoitawo vaera moyo vedzinza raMangwende. Ava ndevechidawo cheMuzukuru. Vamwe zvakare vaeramoyo ndevedzinza raNyamweda chidavo chavo chiri Zuruvi.

Moyo yechidawo cheMakumire ndeye dzinza revaDuma. Moyo iyi yakati wandei chaizvo kusanganisira Moyo Chirandu. Tinenge tisina kupedza kutaura nezveMoyo kana takasiya Moyo yechidawo cheMuturikwa. Kunozoita vaera moyo vedzinza rekwaRusike vari vechidawo cheWadyegora.

Kunewo Moyo Nematombo neMoyo Mugonderwa tisingakanganwi Moyo Wakapiwa neMoyo Madzorera. Vana Sinyoro ndivanaMoyo zvekare vari vedzinza reVaNjanja.

Vaera Shava havadi kusaririrawo mukupatsanurana kwavanozviita. Kune vaera shava vechidawo cheMusiyamwa.

VanaMusiyamwa ndevedzinza reVaHera. Vakapatsanurana nanaShava vechidawo cheMutenhesanwa dzinza reChiweshe.

Kune zvakare Shava yechidawo cheMufakose vari vedzinza rekwaHwata. Shava yeimwe mhando inonoturunura vedzinza revaChamaya vari vechidawo cheNyakudirwa. Shavawo yechidawo cheMwendamberi inozvisiyanisa nedzimwe Shava nekuda kwedzinza ravo rekwaChivero.

Tinopedzisira neShava yedzinza rekwaSeke asi chidawo chavo chiri cheVhuramavi.

Shumba dzinopinimidzawo dzirimo. VanaShumba ndivo vanaRupapatyuro. Kune shumba inobva nepaChivi iri yedzinza rekwaChivi.

Ndiyo yechidawo cheMurambwi. Kunouyawo Shumba yechidawo cheNyamuzihwa iri yedzinza reNenguo. Vaera shumba vechidawo cheMhazi ndevedzinza reVaGonera. Vanoenda mberi vachizvipatsanura kuchibuda Shumba Muguriri dzinza ravo riri Nemamwa. Kune imwewo Shumba yedzinza reCharumbira vari vechidawo cheSipambi

Vana Dziva havana mipatsa yakawanda asi iripo inogona kusvika kumitatu kana mina.  Kune vaera dziva vari vechidawo cheMunhobvu wamambo. Vana Munhobvu ndevedzinza reNyika. Kunoitawo Dziva vari vechidawo cheMuzivikanwi.

Dzinza ravo ndereSave. Kudzinza reSave iroro kunobuda zvakare imwe mhando yeDziva iri yechidawo cheMapira. Vaera gumbo ndivo vechidawo cheMadyirapanze kana kuti Sambiri. VanaGushungo ndivo vaera Ngonya vari vedzinza rekwaZvimba.

Kune Soko yechidawo cheMurehwa vari vedzinza reShawasha kozoitawo Soko vechidawo cheKumene asi dzinza ravo riri reMudzimurema. Unoziva mutupo wako nedzinza rako here?

Share This:

Sponsored Links