Mombe 21 dzafa dapihwa muchetura

22 Jun, 2022 - 21:06 0 Views
Mombe 21 dzafa dapihwa muchetura Mombe dzakafa dzapihwa mapiritsi ane muchetura

Kwayedza

Mkhululi Ncube

MHURI yekuNkayi kudunhu reMatabeleland North yarasikirwa nemombe 21 dzinokosha US$8 500 zvichitevera kusafamba zvakanaka kwenhaurirano pakati pavo izvo zvakakonzera kuti vapedzisire vapa mombe idzi mapiritsi ekuchengetedza chibage kubva kuzvipfukuto vachifunga kuti mushonga wekudzidhoza kuti dzisimbe.

Mombe idzi nemusi weSvondo dzakapihwa piritsi rimwe nerimwe realuminium phosphide iyo inoshandiswa kuchengetedza chibage, mbeu pamwe chete nefodya.

Zvisinei nechiziviso chakajeka chinoratidza kuti mushonga uyu muchetura, mombe idzi dzakapihwa mapiritsi aya.

Mombe idzi ndedzevanhu vatatu vemhuri yekwaMpofu – VaLindani Mpofu, avo vakatenga mushonga uyu, VaOrderly Mpofu, avo vakapa mombe idzi mapiritsi naMai Jennet Mpofu vane makore 97 ekuberekwa.

Mamiriro ezvinhu pamba pemhuri yekwaDolahali mumusha waNhlekisa kwaSabhuku Thome Ncube akaita sepane mariro apo vavakidzani vakaungana kuzotsigira mhuri iyi.

Mutauriri wemhuri iyi, VaDennis Mpofu, avo vanogara kuBulawayo uye vakafamba rwendo rwekuenda kuNkayi, vanoti zvakaitika injodzi huru kwavari.

“Zvakaitika kumhuri yedu injodzi. Takarasikirwa nemombe makumi maviri neimwe,” vanodaro.

VaLindani Mpofu vanonzi vakatenga mushonga wekuchengetedza chibage ndokupa mumwe mukomana wemumhuri yavo kuti aende nawo kumba.

Mushonga wakauraya mombe

Mukomana uyu anonzi akakanganwa zvaakange audzwa kuti mushonga uyu ndewekuchengetedza chibage achibva asvikotaura kuti waive wekudhoza mombe.

“Chinorwadza ndechekuti munhu akapa mapiritsi mombe idzi haana kufunda uye haagone kuverenga, asi kuti akangodzipa sezvaagara achiita.

“Akapa mombe imwe neimwe piritsi uye pasina nguva, mombe dzakatanga kufa.

“Mombe imwe chete ndiyo yakazopona mushure mekunge vemhuri yedu vapihwa zano rekuti vaipe doro remasese,” vanodaro VaDennis Mpofu.

Vanoti kunze kwemombe yakapona iyi, pane tsiru rimwe chete nemhuru mbiri dzisina kupihwa mapiritsi aya izvo zvakasarawo.

VaDennis Mpofu vanoti mukuru anoona nezvekuchengetedzwa kwezvipfuyo munharaunda iyi, akapa mhuri yavo zano rekuti vavige mombe idzi pane kudzipisa.

Mumwe murimi wemunzvimbo iyi, VaJimmy Moyo, vanoti kufa kwemombe idzi chiratidzo chekuti zvakakosha kuti varimi vawaniswe ruzivo rwakazara rwemabatirwo uye mashandiro emishonga yakasiyana.

Mukuru webazi reDepartment of Veterinary Services (DVS) kuMatabeleland North, Dr Polex Moyo, havana kukwanisa kubatika panhare yavo kuti vapewo divi ravo panyaya iyi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey