Mombe 22 dzakabiwa dzawanikwa

02 Jun, 2024 - 10:06 0 Views
Mombe 22 dzakabiwa dzawanikwa Insp Kudakwashe Dhewa

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuChiredzi, kuMasvingo anoti akawana mombe 22 nemadhongi matatu zvaiva zvabiwa nemakororo.

Inspector Kudakwashe Dhewa vanova mutauriri wemapurisa kudunhu reMasvingo vanoti nemusi wa9 Chivabvu nenguva dza7 mangwanani, varimi vazhinji vekunzvimbo iyi vakasiya mombe nemadhongi kumafuro zvisina vafudzi senguva yechirimo vachibva vadzokera kudzimba dzavo izvo zvakazobva zvabiwa .

“Varimi vakasiya zvipfuyo zvavo zvichifura zvoga vanosanganisira vemumisha yemasabhuku anoti Mugwambani, Muguviza, Chinyakanyaka, Chirilele, naSabhuku Samuel kwaSengwe kuChikombedzi, kuChiredzi. Vamwewo vaingosiya zvipfuyo izvi musango zvichishaikwa. Nemusi wa16 Chivabvu, mapurisa eZRP vakabatana neveZimbabwe National Army nechikwata cheDumisa Crime Committee vatanga kufamba vachironda kunharaunda yeMadhamblala kumuganhu wenzvimbo iyi nenyika yeMozambique,” vanodaro Insp Dhewa.

Vachengetedzi vemutemo ava pavaitenderera, vanonzi vakasangana nechikwata chemakororo ezvipfuyo aiva nemombe dzakawanda uye apo vakaedza kutaura navo vakabva vatiza vachisiya mombe idzi.

“Mombe gumi nenhatu dzakabva dzazivikanwa nevaridzi vadzo uyewo nemadhongi matatu aiva mukati madzo. Vachienderera mberi nekufamba nekumuganhu wenyika uku, vachengetedzi vemutemo ava vakazosanganawo nemamwe makororo emombe maviri vakabva vatiza zvakare vakasiya mombe ina. Mombe dzose idzi nemadhongi aya zvaiva nemichiso yaitaridza Dumisa neSamu Dip tanks kuChikombedzi,” vanodaro Insp Dhewa.

Mushure mekutaura navanamudhibhisi venzvimbo iyi yeChikombedzi, varimi vanokwana vatanhatu vakazoonekwa kuti ndivo varidzi vemombe idzi vakabvawo vaziva mombe dzavo.

“Munyaya inofambirana nekubiwa kwemombe, mapurisa epakamba yekuNdali Police Station vaishandira kuTshovani, kuChiredzi nemusi wa22 Chivabvu apo vakasangana nemakororo aitinha mombe shanu avo vakaedza kubvunzwa vachibva vatiza zvakare vakananga nedivi rekuChipinge vachisiya mombe idzi kumashure,” vanodaro Insp Dhewa.

Mapurisa vakatora mombe idzi ndokutanga kuferefeta nyaya iyi apo vari kutsvaga makororo aya.

“Varimi vemunzvimbo yeChiredzi vakashaya mombe dzavo nezvimwe zvipfuyo vari kukurudzirwa kuenda kunoona mapurisa ekukamba yeNdali Police Station kuti vabatsirwe. Takamirira mapurisa eMasvingo Province, tinotenda veruzhinji nekubatana nemapurisa munyaya dzekurwisa kubiwa kwezvipfuyo nekuparwa kwedzimwe mhosva. Tinokurudzira veruzhinji kuramba vachipa mashoko ekurwisa mhosva uyewo semapurisa tinokurudzira varimi kuisa michiso pamombe dzavo nezvimwewo zvipfuyo kuti zviite nyore kuzivikanwa kana zvichinge zvabiwa,” vanodaro Insp Dhewa.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey