Mombe 3 000 dzakafa nezvirwere

29 Jun, 2018 - 00:06 0 Views
Mombe 3 000 dzakafa nezvirwere

Kwayedza

ZIMBABWE yakarasikirwa nemombe dzinosvika 3 430 nekuda kwezvirwere zvinokonzerwa nezvishambwe kana kuti zvikwekwe kubva mumwedzi waMbudzi 2017 kusvika Chivabvu gore rino uye dunhu reMashonaland East ndiro rine huwandu hwakanyanya hwemombe dzakafa.

Chikamu chinoona nezvezvipfuyo munyika cheDepartment of Livestock and Veterinary Services chinoti varimi vari kurasikirwa nemombe nekuda kwezvirwere zvinokonzerwa nezvikwekwe zvakadai setheileriosis icho chinonyanyo zivikanwa seJanuary disease, babesiosis, heart water neanaplasmosis.

Dunhu reMashonaland East ndiro riri pamberi panyaya yemombe dzakafa nekuda kwezvirwere izvi uko kunonzi kwakafa mombe 1 441.

Mombe dzakanyanya kufa kuChikomba mudunhu iri uko kunonzi kwakafa 761.

KuMashonaland West kunonzi kwakafa mombe 632,  Masvingo 829, Manicaland 293, Midlands 302, Matabeleland South 64 neMatabeleland North kwakafawo mombe 84 nekuda kwezvirwere zvinokonzerwa nezvikwekwe.

Dr Chenjerayi Njagu vanova deputy director kuDepartment of Livestock and Veterinary Services vanoti huwandu hwemombe dzakafa hunogona kudaro hwakawanda kupfuura apa sezvo vamwe varimi vasina kumhan’ara nyaya idzi kuchikamu chavo.

ZIMBABWE yakarasikirwa nemombe dzinosvika 3 430 nekuda kwezvirwere zvinokonzerwa nezvishambwe kana kuti zvikwekwe kubva mumwedzi waMbudzi 2017 kusvika Chivabvu gore rino uye dunhu reMashonaland East ndiro rine huwandu hwakanyanya hwemombe dzakafa.

“Dzimwe nyaya dzakamhan’arwa asi mombe dzacho dzakazofa mushure mekuziviswa kuchikamu chedu saka vamwe varidzi vemombe havazoiti hanya yekudzokera kuvashandi vedu kuti vanotaura kuti mombe dzavo dzange dzichirwara dzinenge dzafa. Mombe zhinji dzakafa nekuda kwekuti varimi vakanga vari kukundikana kuwana mishonga yekuti vadzirape nenguva uye mune dzimwe nzvimbo mishonga yacho yaisava nyore kuti inge ichiwanikwa,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti, “Madhibhi mazhinji haasi kudhibhisa mombe pasvondo nekuda kwekushomeka kwemishonga yekudhibhisa uye varimi vashoma kwazvo vari kuendesa mombe dzavo kumadhibha. Vamwe varimi vanosarudza kufirita mombe dzavo voga pachinzvimbo chekuti vadziendese kumadhibhi izvo zvinoita kuti vawanikwe vachiita zvisiri izvo nokudaro mombe dzavo dzinogona kusara dziine zvishambwe.”

Dr Njagu vanoti ongororo yakaitwa nechikamu chavo inotaridza kuti kune mamwe makoronyera ari kutengesa mishonga yemanyepo nekudaro vanokurudzira varimi kuti vatenge mishonga yekufiritisa mombe dzavo kuzvitoro zvakanyoreswa zviri pamutemo.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey