Mombe 80 000 dzakafa nezvirwere

02 Aug, 2019 - 00:08 0 Views
Mombe 80 000 dzakafa nezvirwere Mombe dzinosvika 80 000 dzinonzi dzakafa munyika yose nekuda kwezvirwere zvinokonzerwa nezvikwekwe kubvira pakutanga kwegore rino uye huwandu uhwu hunogona kuramba huchiwedzera kana varimi vakasadhibhisa mombe dzavo pamwe nekudzibaisa majekiseni ekudzivirira zvirwere.

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
ZIMBABWE yakarasikirwa nemombe dzinosvika 80 000 munyika yose idzo dzakafa nekuda kwezvirwere zvinokonzerwa nezvikwekwe kubvira pakutanga kwegore rino uye huwandu uhwu hunogona kuramba huchiwedzera kana varimi vakasadhibhisa mombe dzavo pamwe nekudzibaisa majekiseni ekudzivirira zvirwere.

Mashoko aya akataurwa naDr Josphat Nyika vanova director kubazi rinoona nezvekuchengetwa kwezvipfuyo reDepartment of Livestock and Veterinary Services (DVS).

Zvakadai, bazi rinoona nezvehomwe yenyika rakawedzera mari yebhajeti inoita $67 626 000 kubazi rinoona nezveminda, kurima, mvura, mamiriro ekunze pamwe nekugariswa kwevanhu patsva kumaruwa.

Imwe yemari iyi ichashandiswa mukutenga mishonga yekudhibhisa zvipfuyo, kutenga majekiseni nemimwe mishonga inouraya twumbuyu nekuitisa ongororo munzvimbo dzine zvirwere izvi senzira yekuderedza huwandu hwemombe dziri kufa.

“Kuuya kwemari iyi kunotevera kufa kwemombe 80 000 munyika nekuda kwezvirwere zvezvishambwe munyika yese. Nokudaro kuwedzerwa kwemari pabhajeti yedu kuchabatsira kuti tikwanise kutenga mishonga yekudhibhisa mombe kubva kuvatengesi vakadai seBotswana Vaccine Institute pamwe nekuona kuti tawedzera mimwe mishonga 500 000 yezvirwere zvemahwanda (foot and mouth disease). Bazi redu rakapihwa $67,6 miriyoni yekuwedzera bhajeti apo imwe mari iyi ichashandiswa mukutengwa kwemishonga yekudhibhisa mombe nemimwe yakasiyana,” vanodaro Dr Nyika.

Vanoti imwe mari ichashandiswa mukuita ongororo yezvirwere netwumbuyu uye nekutsigira utano hwezvipfuyo.

“Mombe dzinodarika 80 000 dzakafa nekuda kwezvirwere zvezvishambwe asi nekuda kwekuwedzerwa kwakaitwa mari yebhajeti zvinoreva kuti tichakwanisa kutenga mishonga yakawanda yekudhibhisa inotisvitsa mukupera kwegore,” vanodaro.

Vanoti chikamu chavo chinoda kuchengetedza mishonga yekudhibhisa mombe kusvika mumwaka wekunaya kwemvura unotevera.

“Parizvino tinokurudzira varimi kuti vange vachichengetedza chikafu chezvipfuyo zvavo nekuda kwekuti mumwaka wechando mafuro mazhinji anenge asisina kudya kwakakwana kunovaka muviri wezvipfuyo. Varimi vanokwanisa zvakare kutenga chikafu ichi muzvitoro zvinotengesa chikafu chezvipfuyo kana kushandisa mashanga akasara mwaka wadarika (hay bales),” vanodaro.

Dr Nyika vanokurudzira varimi kuti vange vachipa zvipfuyo zvavo mishonga inouraya makonye (de-worming) emudumbu pamwe nekudzibaisa majekiseni anorwisa zvirwere zvetungundu,  Botulism neQuarter izvo zvinowanza kubata zvipfuyo munguva yechando.

“Tinoyambira zvakare kuti varimi vambomira kufambisa zvipfuyo zvavo pasina kuwaniswa magwaro kubva kubazi redu (Veterinary Movement Permit) senzira yekuderedza kupararira kwezvirwere zvakadai seJanuary Disease nechemahwanda,” vanodaro.

Vanoti mamiriro ezvipfuyo parizvino achiri nani zvisinei nekuti zvinogona kuzodzikira mumwedzi waGumiguru naMbudzi apo mafuro anenge ava mashoma.

Ongororo yepiri iyo yakaitwa maringe nezvipfuyo nezvirimwa (Second Round Crop and Livestock Report) inotaridza kuti zvirwere ndizvo zvaive pamberi mukuuraya zvipfuyo munyika mese nechikamu che68 percent muna2018.

Gwaro iri rinoratidza zvakare kuti chikamu che11 percent chemombe dzakafa muna2018 nekuda kwenzara, 8 percent dzikaurayiwa zvisina tsarukano nemhuka dzesango kana vanhu, 7 percent dzikafa nekukuvara uye 6 percent nezvimwewo zvikonzero.

Zvirwere zvinokonzerwa nezvikwekwe kana kuti zvishambwe ndizvo zviri pamberi mukuuraya mombe kana zvichienzaniswa nezvimwewo zvirwere.

Share This:

Sponsored Links