Uncategorized

Mombe yakabereka bere

17 Apr, 2019 - 16:04 0 Views
Mombe yakabereka bere bere

Kwayedza

Kingstone Mapupu
MUBHUKU raMakunde Zhakata, kwaMambo Chipuriro, kuGuruve, munonzi makaitika mashura emombe dzepane mumwe musha idzo dzinonzi dzakafuma dzakasungwa miromo nemachira matsvuku nemachena apo rimwe tsiru ranga riine zamu razobereka chimhuka chiri kunzi ibere.

Manenji aya anonzi akaitika nguva pfupi yadarika kumombe dzaVaPatrick Zhakata (67).

Sabhuku Zhakata, VaElias Zhakata (79), vanotsinhira nezvemashura aya.

“Tine nyaya inoshamisa zvikuru yakaitika kumba kwemunin’ina wangu, kwaPatrick, apo mombe dzake dzose dzakafuma dzakasungwa miromo nemachira matsvuku nemachena ayo ainge akasungirirwa nerekeni newaya. Mombe idzi dzinodarika nhanhatu.

“Zvadaro, imwe mombe yaiva nezamu mukati madzo yakabva yazobereka bere mushure memazuva mashoma,” vanodaro Sabhuku Zhakata.

Vanoti kwakatoshevedzwa n’anga nemaporofita kuti vazobvisa machira aya kumiromo yemombe idzi, dzimwe dzacho dzakange dzotadza kufema.

VaShepherd Zhakata vanotaurawo nezvemashura aya.

Verenga zvakare nyaya iyi: 

Zvinoitika, handi huroyi: VET

“Takanzwa toshevedzwa mangwanani kunzi huyai muzoona zvaita mombe kudanga kwamukoma musha wose tikamhanyirako. Takawana mombe dzose dzakasungwa miromo nemachira tikazvishaya kuti chaiva chii.

“Nekuda kwekutya uye semusha, takazokoka n’anga nemaporofita ndokusvikosunungura mombe idzi machira aya achibva apiswa pamwe chete nemishonga. Chakazonetsa ndechekuti mushure memazuva mashoma izvi zvaitika, mombe yamukoma yaive nezamu yakabva yabereka bere chairo,” vanodaro.

Mombe iyi yabereka bere kudaro, zvinonzi vagari vemumusha uyu vakazoungana zvakare vachida kuona chimhuka chainge chazvarwa ichi apo chakazopiswa nen’anga nemaporofita mushure mekunge chafa choga.

Chimhuka ichi chinonzi chainge chakangokura sezvinoita mhuru yemombe pakuzvarwa, asi chiri chikuru kumwana webere.

“Bere iri rakafa roga ndokuzopiswa uyewo mombe yainge yabereka mhuru kana kuti handa yebere iyi yakabva yazofawo pasina mazuva. Pane zvakawanda zvakataurika nekuda kwenyaya yemombe yedu yakabereka bere iyi,” vanodaro.

Pakashanyirwa musha waVaPatrick Zhakata neKwayedza nemusi weChishanu chakadarika vachiperekedzwa naSabhuku Zhakata naVaShepherd Zhakata, muridzi wemombe idzi (VaPatrick Zhakata) vakaverevedza nemuchibage zvikaita kuti vatori venhau vatadze kutaura navo.

“Uyu zvose nasabhuku ava vakoma wangu chaivo. Hatizive kuti zvino iye anotiza chii, hatichaziva munhu anoita zviya zvekuvhundukira nekumbozungaira sezvinoita vamwe vemudzinza medu, pamwe nhasi zvakamubata” vanodaro VaShepherd Zhakata.

Vatori venhau vakamboedza kutevera VaPatrick Zhakata asi vakapembera nekumhanya nekuseri kweruzhowa rweheji yakakomberedza musha wavo. Mumwe wevanhu vaiperekedza Kwayedza akadoshevedzera achiti, “Soko mirai vanhu ava vanoda kutaura nesu semusha wose.”

Asi murume uyu akaramba akaisa zvimiti munzeve achitiza.

VaShepherd Zhakata vanoti mumusha mavo mombe dzinofa dzichiita zvisinganzwisisike sekuti dzimwe dzinotanga kufamba nenhendeshure, dzonopunzika pasi dzichipupa furo.

“Mombe muno hadziwande, munhu akasvitsa mombe ina dzakatowandisa uye dzinobva dzafa,” vanodaro.

 

Share This:

Sponsored Links