Mombe yekutaura ‘part ii’

29 Jun, 2018 - 00:06 0 Views
Mombe yekutaura ‘part ii’

Kwayedza

Muridzi wayo haana kuuya kudare  Zvino ndava kumusunga – Mambo

Abel Zhakata ari kwaZIMUNYA

MHOMHO yevanhu vakaungana padare raMambo Zimunya, kwaMutare, mangwanani emusi weSvondo wadarika vachida kuzvionera nekuzvinzwira voga mombe yeimwe mhuri yekwaDora Dombo iyo inonzi yakangotanga kutaura kunge munhu – chiManyika chaicho.

Zvisinei, vanhu ava vakaguma vagumbuka mushure mekunge vaneta nekumirira kuti muridzi wemombe iyi asvike padare pavaiva aine chipfuyo chake.

Munyaya iri kunzi ine chekuita nekuromba kana kuti huroyi, mombe mhou iyi iri kunzi inotaura — kwete kukuma — ichigunun’una nezwi remunhu.

Mashura aya ndiwo akaita kuti Mambo Zimunya vakoke mhuri iyi kuti iende kudare ravo nechipfuyo ichi musi weSvondo wadarika.

Pakasvika Kwayedza padare ramambo, vanhu vainge vatoungana vachimirira kuona manenji aya asi vakazogumbuka apo vemhuri ine mombe iyi vasina kuuya. Muhurukuro, Mambo Zimunya – avo vakange votonga dzimwewo nyaya dziri mudare ravo – vanoti vava kutumira mapurisa avo kunosunga muridzi wemombe iyi vomuunza kudare.

“Izvi zvinoitika zvikuru (zvekusauya kudare). Vamwe vanhu — kunyanya avo vanoziva kuti vanenge vakoromora mhosva —vanosarudza kusauya kudare rangu asi ini ndinotumira mapurisa onovasunga. Kana vemombe iyi vasungwa, dare richagara uye imi tinokuzivisai,” vanodaro mambo ava.

Zvichitevera kubuda kwenyaya iyi muKwayedza yesvondo rapera, vaverengi vakawanda vakazvipira kuenda kudare ramambo kuti vanozvionera nekuzvinzwira nyaya izere nemashura iyi – mombe ichitaura chiManyika.

Manenji emombe iri kunzi inotaura aya ari kuitika mubhuku raMambondiani.

Sekutaura kwaMambo Zimunya, pose panovhurwa mombe dzemhuri iyi mudanga mangwanani kuti dziendeswe kunofura, mhou iyi inotaura ichinyunyuta kuti vanhu ava vari kuburitsa zvipfuyo izvi mudanga nguva dzapera.

Inonzi inogunun’una ichiti inenge yava nenzara, pakarepo yobva yakumbira mvura yekunwa. Pakuenda kumafuro, mombe iyi inonzi inoudza mufudzi wadzo kuti kwaanenge achienda nadzo hakuna mafuro akakwana — hakuna huswa kunogutsa.

Mambo Zimunya vanoti chipfuyo ichi chiri kuita kunge munhu pachake. Ndokusaka vainge vati varidzi vemombe iyi vauye nayo kudare ravo. Nyaya yemombe iri kunzi inotaura iyi yakakwidzwa kudare ramambo masvondo maviri adarika.

 

Share This:

Sponsored Links