Uncategorized

‘Money changer’ abvutirwa R43k, mota

13 Sep, 2022 - 15:09 0 Views
‘Money changer’ abvutirwa R43k, mota

Kwayedza

Danisa Masuku

MURUME wekuBulawayo, uyo anoita basa rekuchinja mari zvisiri pamutemo, akapona neburi retsono mushure mekurwiswa nembavha dzaive dzakapata pfuti ndokubirwa R43 000, US$130 neHonda Fit yake.

Murume uyu anonzi akapihwa US$2 500 yekuti achinje kuisa mumaRands nemutengi wake anonzi Nkomo anogara kuNew Magwegwe.

Pazuva iri nenguva dza7.30 manheru, mumwe anoziva nezvenyaya iyi anoti murume uyu akazoenda kumba kwaNkomo mushure mekunge achinja mari yaaive apihwa kuiisa mumaRands.

“Akasvika kumba kwaNkomo na8 manheru ndokumisa Honda Fit yake kunze kwegedhi. Paakanga achifonera Nkomo achimuudza kuti auye kuzotora mari yake, pakabva pasvika varume vaviri vainge vakavhara zviso zvavo uye vakapakata pfuti nebanga,” anodaro.

Anoenderera mberi achiti, “Vakamubata ndokupfekera mucheka mumuromo make vachimudzipa uye kumurova negaro repfuti.”

Vakamuudza kuti vaida mari ndokubva avapa bhegi raive nemaRands asi vanonzi vakati vaida imwe mari.

“Akavapa US$130,” anodaro.

Makororo aya anonzi akabva apamba motokari yemurume uyu ndokumutora asi vakazomusiya pedyo nemakuva eLuveve Cemetery. Murume uyu akabva amhan’ara nyaya iyi pakamba yemapurisa yeLuveve.

Share This:

Sponsored Links