Monkeypox yaonekwa kuSouth Africa

25 Jun, 2022 - 09:06 0 Views
Monkeypox yaonekwa kuSouth Africa Munhu ane Monkeypox

Kwayedza

Lumbidzani Dima
VAGARI vemuZimbabwe vari kuyambirwa kuti vangwarire nyaya dzeutano hwavo zvichitevera kuwanikwa kwechirwere cheMonkeypox kuSouth Africa iyo yakavakidzana nenyika ino.

Monkeypox hutachiona hunotapurirwa kuvanhu kubva kumhuka uye hune zviratidzo zvakafanana sezvakaitika kare kuvarwere vegwirikwiti kunyangwe zvazvo chirwere ichi chisina kunyanya kutekeshera.

Chirwere ichi mumakore adarika, chakabata zvakanyanya vagari vekuWest Africa asi nyika dzakawanda dzekumavirira dzakatanga kuve nevanhu vari kubatwa nacho mukutanga kwegore rino.

Zviratidzo zveMonkeypox zvinosanganisira kuve netumapundu-mapundu tunenge twehutsva mumawoko, mutsoka, mumaziso, pamuromo nekunhengo dzakavandika.

Munhu anenge abatwa nechirwere ichi anogona zvakare kunzwa kupindwa nechando mumuviri, kutemwa nemusoro uye kunzwa kuneta.

Vanhu vanodarika zviuru zviviri vabatwa neMonkeypox  pasi rose kubva kutanga kwegore rino apo United Kingdom iine vanhu mazana manomwe vawanikwa vaine chirwere ichi ichiteverwa neSpain ine nyaya dzinodarika mazana mashanu.

Dzimwe nyika dzine chirwere cheMonkeypox dzinosanganisira Germany, Portugal, France, United States of America neCanada.

Egypt ndeimwe yenyika dzemuAfrica ine vanhu vakabatwa neMonkeypox.
Gurukota rezveutano kuSouth Africa, Dr Joe Phaahla nemusi weChina vakazivisa nezvenyaya yekutanga yemunhu akabatwa nechirwere ichi munyika mavo vachiti haana nhoroondo yekufamba.

“Murwere uyu murume ane makore 30 okuberekwa anobva kuJohannesburg asina nhoroondo yekufamba, zvichireva kuti chirwere ichi hachinganzi chakabva kunze kweSouth Africa.

“Tichashanda nevakuru vezveutano mukuronda kuti chirwere ichi chakatanga sei,” vanodaro.

Zvichitevera kunyuka kweMonkeypox kuSouth Africa, Hurumende iri kukurudzira vagari vemuZimbabwe kuti vangwarire denda iri.

Bulawayo Health Services director, Dr Edwin Sibanda, vanoti Zimbabwe inodyidzana mune zvakawanda neSouth Africa nekudaro inofanirwa kugara yakangwarira.

“Zviri pachena kuti tinofanira kungwarira nekuti tinodyidzana neSouth Africa nenzira dzakawanda, dzingava dzezveupfumi, magariro kana tsika.

“Saka zvakakosha kuti tingwarire uye kubva pane zvatakaudzwa, chirwere ichi chiri kupararira kuburikidza nekubatana. Kana chikapararira kuSouth Africa, hazvishamise kuti tinogona kuve nacho muno.
“Takangwarira uye tiri kutora matanho ose ekugadzirira,” vanodaro Dr Sibanda.

Kune zvizvarwa zveZimbabwe zvakawanda zviri muSouth Africa uye nyika mbiri idzi dzine kudyidzana kwakanaka.
Bulawayo Provincial Medical Director (PMD), Dr Maphios Siamuchembu, vanokurudzirawo vanhu vemuZimbabwe kuti vagare vakangwarira pamusoro peMonkeypox.

“Kurumidzai kumhan’ara kuzvipatara kana munhu asinganzwe zvakanaka. Kune vanenge varwara, zivisai kuzvipatara nekukasika,” vanodaro Dr Siamuchembu.

Nguva pfupi yadarika, sangano reWorld Health Organisation (WHO) rakayambira vanhu vemuZimbabwe kuti vasatenge mbatya dzakambopfekwa vachiti zvinogona kukonzera kupararira kwechirwere cheMoneypox.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey