Monya yoda kudhonza ndege

28 Oct, 2021 - 14:10 0 Views
Monya yoda kudhonza ndege MR Mat

Kwayedza

Abel Ndooka

SHASHA yekusimudza masimbi yewrestling, powerlifting pamwe nekudhonza magonyeti, zvitima negejo nemazino – Jonathan ‘Mr Mat’ Muvingi – anoti shuviro yake kubudawo mubhuku rine mukurumbira pasi rose reGuinness World Records sezvo achiti muZimbabwe nemuSadc hakuna mumwe ati akwanisa kurakidza kuti ane simba rinomudarika.

Mr Mat kana kuti Mr Strong ane mukurumbira wekubuda mumavhidhiyo akasiyana achidhonza magonyeti, zvitima nekurima achidhonza gejo nemazino ake uye iye zvino anoti ave kuda kudhonza ndege nemazino ake zvakare.

Muhurukuro neKwayedza, Mr Mat anoti chishuvo chake kusimudza mureza wenyika nekubuda mubhuku reGuiness World Records iro rinobuda vanhu vanenge vaita zvinoshamisa pari rose.
“Muno muZimbabwe kana muSadc, hakuna mumwe ati akwanisa kuita zvandinoita zvekudhonza gonyeti ari ega kana kudhonza chitima. Ini ndinozviita, ndokwanisa kudhonza nemazino angu chaiwo. Basa iri ndinoda chaizvo kuti zvibudewo mubhuku rine mukurumbira reGuinness World Records iro ndinoona kuti richandisimudzira pamwe nenyika yangu,” anodaro Mr Mat.

Muchinda uyu akazvarwa mugore ra1990 mumhuri yevana vasere kuTriangle, kuChiredzi uko akakurira pamwe nekudzidza kuzvikoro zvinoti Mutilikwi Primary nesekondari.
Ari kuchikoro, anoti aive shasha yekumhanya asi muviri wake wakazotanga kukura izvo zvakazomuona achitanga kutamba tsiva pamwe newrestling.

Mr Mat anoti mugore ra2017 achitamba wrestling, munhu waaitamba naye akamukunda mutambo uyu uchibva wamiswa iye achiri kuda zvekurwa izvo zvakaita kuti aite hasha apo akaona kombi yakange yakazvimirira ndokutanga kuisunda ari ega.

Anoti vanhu vakakatyamadzwa nazvo vakamuti ngaadhonze gonyeti raive pedyo, akaridhonza uye apa ndipo paanoti akabva aona kuti ane chipo chiri maari icho chaainge akagarira.

“Ndichikura, ndaimhanya zvekumhanya zviye kuchikoro asi ndakazoona kuti muviri wangu uri kuramba uchikura saka ndakabva ndatanga zvetsiva newrestling. Ndichitamba wrestling, ndipo ndakazoona kuti ndine simba rakawanda ndikatanga zvekudhonza magonyeti.
“Apa ndipo pakazobva zita rekuti Mr Strong. Vanhu vakangotanga kunditi Mr Strong zita iri rikatozonamira pandiri,” anodaro.

Mr Mat anoti kuti achengetedze muviri wake, pazuva roga mangwanani anodya marofu maviri echingwa, mazai masere, bhinzi, chidumbu chehuku nerita rimwe remukaka.
Kuchitiwo masikati anodya bhodho resadza huku yakazara ne1kg yenyama.
“Kuti ndichengetedze muviri uyu, ndinodya zvekudya zviye uye ndinoswera ndiri mugym mazuva ose kunze kwekupera kwesvondo musi weMugovera neSvondo apo ndinozorora. Musi weSvondo, ndinenge ndiri kukereke, ndinochengetedza zuva resabata zvakanyanya,” anodaro.
Pari zvino muZimbabwe mune vatambi vasere vewrestling avo Mr Mat anoti akatamba navo vese akavakunda.
“Muwrestling iye zvino hapana anomira neni, ndakapedza navo vese vatambi vari muno uye vanotondiziva kuti handina kumira mushe. Tarisiro yangu kuti ndipote ndichikwikwidza kumitambo mikuru yekunze asi tiri kushaya vanotikotsvera nekutisimudzira mumitambo iyi,” anodaro.
Gore radarika, Mr Mat akanokwikwidza kuWorld Chan Wrestling iyo yakaitirwa kuIran akahwina menduru yebhuronzi. Anoti anoda kudzokera kumutambo uyu kuti anohwina menduru yegoridhe chaiyo.

“Gore radarika, ndakahwina bhuronzi kuIran, zvinove zvinhu zvakandifadza chaizvo, iye zvino ndoda kuhwina riri goridhe chairo. Chinhu chinondidzosera kumashure kushaya vanoda kundikotsvera kuti ndiende kumitambo iyi nemimwe yakasiyana.

“Ndinoziva kuti ndikawana rutsigiro munyika yangu ndinokwanisa kusvika kure uye hapana chonditadzisa kuhwina mibairo yakawanda pasi rese,” anodaro.

Chero zvazvo Mr Mat achizivikanwa nenyaya yekusimba, kudhonza magonyeti nekutamba wrestling, anoti munhu anoda runyararo uye anoshora zvikuru vanhu vanoshungurudza madzimai mudzimba.
“Ini chinonzi mhirizhonga kumadzimai handidi kuzvinzwa, handiikurudzire. Kana munhu uri monya hazvirevi kuti chifamba uchirwa nevanhu kana kurova vanhukadzi mudzimba, kwete. Mumutambo wedu uyu tinodzidzisa runyararo nekuzvibata.

“Ndichitiwo kune vechidiki siyai zvinodhaka nekuti hapana zvazvinokupai, huyai mudzidzire wrestling nemimwe mitambo yakasiyana nekuti munotogona kurarama nazvo,” anodaro Mr Mat.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>