Uncategorized

Mosquito: Covid yazondisvuura

14 Jan, 2022 - 09:01 0 Views
Mosquito: Covid yazondisvuura

Kwayedza

Kingstone Mapupu

AIMBOVA nyanzvi yetsiva, Alfonso “Mosquito” Zvenyika anoti chikoro chake chekudzidzisa mutambo uyu cheMosquito Boxing School of Excellence chakanganiswa nekuda kwechirwere cheCovid-19.

Mosquito (46) anoti akavamba chikoro ichi mugore ra2006, chikambobudirira zvikuru asi ndokuzotanga kudzikira nekuda kwematambudziko akasiyana.

“Ndakatanga chikoro ichi nekuona kuti vechidiki vakawanda munzvimbo dzakaita seMbare havana chekuita uye vanoguma vava kutora zvinodhaka semutoriro, mbanje, kubata kwiyo nekuita chipfambi. Saka ndinotora vose vakaenda kuchikoro nevasina.

“Asi chikoro ichi chatarisana nematambudziko anosanganisira kushaya vatsigiri uye zvichiwedzerwa nekuuya kwechirwere cheCovid-19,” anodaro Mosquito.

“Kubva pandakavamba chikoro ichi, ndakambowana vemabhizimisi vane chitsama vakandibatsira asi ndokuzotangawo kuita vashoma nekuoma kwezvinhu munyika. Pakazouyawo Covid-19, takabva tashaya zvachose vanhu vanotibatsira uyewo vechidiki vanouya kuchikoro kwedu vave kushomeka nekuda kwechirwere ichi,” anodaro Mosquito.

Anoti chikoro chavo chinotorawo vechidiki vanoraramira mumigwagwa.

“Chikumbiro changu ndinodawo kuti dai Hurumende nevamwe vatsigiri – zvikuru vemabhizimisi – vandibatsira nezvinodiwa kuti chikoro changu chifambire mberi nekuti handina zvakakwana zvekushandisa zvakaita semagirovhosi, punching bags nezvimwe,” anodaro.

Mosquito anoti ane shungu dzekuonana nevamwe vanobatsira vakaita saProphet Passion Java.

“Prophet (Walter) Magaya ndakaonana navo vakandivimbisa kundibatsira pahurukuro yatakaita izvo ndakamirirawo kundishevedza kwavo. Ndinoda patron wechikoro changu nevanonditsvagira mari, pane nyanzvi dzakawanda dzakabva nemumaoko angu vamwe vave kutamba kumhiri kwemakungwa nemuno.”

Mosquito anoti ane hurongwa hwekutanga chirongwa cheAmateur Boxing Ring Tournament apo anofamba kumaruwa achisimudzira vechidiki vane zvipo zvetsiva.

“Zvose zvinhu zvandinoda kuita izvi zvinoda mari iyo ndisina, nzvimbo chaiyo yandinoitira chikoro changu kuMbare ndakaipihwa naSensei Nato Francisco vanoita mutambo wekarate,” anodaro Mosquito.

Anotsutsumwa nekuda kwevamwe vechidiki vava kuita mabasa ehumbavha nekutora zvinodhaka achiti zvimwe zvacho zviri kukonzerwa nekuti havana zvekuita.

“Vemitambo yakasiyana ngatibatanei tibvise vechidiki mune zvinodhaka nekuita zvakaipa zvakasiyana zvinosanganisira kuba, chipfambi nezvimwe kuitira kuti nyika yedu iite zvakanaka,” anodaro Mosquito.

Share This:

Sponsored Links