Uncategorized

‘Mosquito’ odashurwa nevana

09 Aug, 2019 - 00:08 0 Views
‘Mosquito’ odashurwa nevana Alfonso Zvenyika

Kwayedza

Kingstone Mapupu naCourtney Munodawafa
MUCHINDA wekumbonetsa mumutambo wetsiva, Alfonso “Mosquito” Zvenyika, anonzi “ari kupihwa zvinhu zvake” — aoneswa nhamo nekurohwa nevana vake vachimuti akaromba uye kumuti atadza kuvatoresa magwaro ekuzvarwa.

Zvenyika (43) anogara nevana vake vasere — vakomana vana nevasikana vana — nemukoma wake pamba pevabereki vake kuNational, kuMbare, muHarare.

Mosquito — uyo mumazuva ake aizivikanwa nekukanda zvibhakera zvaionesa vakawanda nyenyedzi — anozi ari kugara achirikitwa nevana vake vaviri, mukomana nemusikana.

Muhurukuro neKwayedza, Zvenyika anotsinhira kuti ari kunangwa huroyi nevana vake asi anoramba kuti akaromba.

Ukuwo, Margaret Alfonso (24) anotsinhira kuti iye nehanzvadzi yake Norman Alfonso (27), vakarova baba vavo mushure mekunge vatadza kuwirirana pamusoro penyaya yekuti vavatoresa magwaro ekuzvarwa.

“Baba havana kutitoresa ma‘birth certificate’, ini handina, apa ndini musikana mukuru, Natasha munin’ina wangu ane makore 22 haana zvakare, uyo akaroorwa anogara achitukwa nemurume nekuda kwenyaya iyi. Norman (27), Zvenyika (junior) (19) naAngel (16) tose hatina magwaro ekuzvarwa,” anodaro Margaret.

Vana vaZvenyika vari vasere akavaita nemadzimai matatu anoti mumwe akashaika nevamwe vaviri vapenyu.

Margaret anotsinhira kuti akamborovawo amainini mudzimai wababa vake, Jesmine.

“Amainini ndakavaj’unga pamhanza apo ndakawana vachinetsana nababa nekuda kwembatya apo vaiti kuna baba vauye kwandiri ndizovapa mbatya. Handina kunyatsovasvitsa chaizvo, ndakangovaj’ung,” anodaro.

Anoti kuburikidza nekushaya magwaro ekuzvarwa, vari kutadza kuwana mabasa kana kuenda kuchikoro uye nevana vavowo havana magwaro aya.

Natasha anoti imba yake yekutanga yakaparara nekuda kwekushaya magwaro ekuzvarwa.

Anotiwo murume waainaye anogara achimunetsa achiti adzokere kumba kwevabereki vake kunotora gwaro iri.

“Ndine dambudziko nekuda kwenyaya yekushaya birth certificate iyi.

‘‘Murume wangu anogara achinditi ukafa pano hazvikwanisike kutora death certificate rako uye hauvigike. Saka inyaya yatinoda kuti baba vatigadzirisire,” anodaro Natasha.

Jesmine anoti vana vavo vose hapana anoenda kuchikoro kusvika kusekondari nekuda kwekushaya magwaro ekuzvarwa.

Panyaya yekunanga baba vavo kuti vakaromba, Margaret anoti vakazvinzwa kumuporofita uko vakaenda vari vanomwe semhuri kusanganisira iye Zvenyika.

“Nyaya yekuti baba vanoshandisa mishonga yehuroyi yakatanga kutaurwa nehanzvadzi dzangu mbiri apo vaitukana ndokuzonobuda kumuporofita achiti kana takarara tinoitwa madzimai uyewo nekuti pamusoro pemba pedu panogara shiri nehoko dzakaroverwa pachivanze,” anodaro Margaret .

Anoti akarambana nevarume vana uye iye zvino ava pane wechishanu uyo waari kungofambidzana naye.

“Pavasikana 4, mumwe chete ndiye akaroorwa, vamwe tose tinongoberekeswa vana tichingova pamba pedu pano,” anodaro Margaret.

Zvenyika anotsinhira nyaya yekuti vana vake vanomupumha huroyi.

“Ini handina kubata mushonga kuti nditambe tsiva. Kune vanhu vanopa vana vangu mashoko akaipa ekuti ndinoroya, ndinovashandisa vachiti n’anga yangu yakafa ndokusaka zvinhu zvangu zvadzikira.

“Vana vandinanga huroyi, ndakaenda navo kumuporofita wacho ainge avataurira asi akanozviramba achiti akangovati vairota vachishandiswa husiku nevarume. Izvo takazozviita Natasha andibvunza kuti sei vanasikana vangu vasingaroorwe,” anodaro Zvenyika.

Anoti haana kumbobvira akabata mushonga wemangoromera sezvinofungwa nevanhu, asi kuti chipo chake chakabva kunaMwari.

Zvenyika anoti kune mumwe muporofita wenguwo tsvuku uko kwaakaenda zvinhu zvake zvisisafambe zvakanaka ndokunonzi auye nemukaka nemazai matatu izvo akaita.

“Ndine kwandakaenda ndoga ndichida kunotsvagawo kuti zvaifamba sei uko ndakazonzi ndiuye nemukaka nemazai matatu. Ndakazoenda nemukaka chete ndashaya mari yekutenga mazai, hakuna zvimwe zvinodarika ipapa,” anodaro.

Panyaya yekusatoresa vana vake magwaro ekuzvarwa, Zvenyika anoti mudzimai wake wekutanga uyo akashaika haana kumutorera death certificate uye mamwe madzimai maviri haano magwaro ekuzvarwa kwavo izvo zviri kuita kuti atadze kutoresa vana vake magwaro aya.

Anoramba kuti ari kugara achirohwa nevana vake nekuda kwenyaya iyi.

Zvenyika anoti anotarisira kugarisana zvakanaka nemhuri yake nekufamba kwenguva.

Share This:

Sponsored Links