Uncategorized

Mota yetsaona yotaura. . . nezwi gobvu, rechirume

10 May, 2019 - 00:05 0 Views
Mota yetsaona yotaura. . . nezwi gobvu, rechirume Mota inonzi ine chikwambo mukati

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
MOTOKARI yekuendeswa parimwe garaji riri muHarare kuti inogadzirwa mushure mekunge yaparara mutsaona, yava kutyiwa nevashandi vepo sezvo ichinzi iri kutaura nezwi rakakora seremunhurume — gobvu — ichiti vaisiye yakadaro.

Mukati memota iyi — nechepasi pechigaro chemutyairi — mune chinhu chinombofamba-famba, chichifema nekushita senyoka icho chiri kunzi chikwambo.

Pagaraji reBudiriro 4 Car Breakers muHarare, yakave batai-batai svondo rapera apo mumota yerudzi rweNissan Presage iyi makanzwikwa muchibuda izwi remurume aiti vashandi vepo vasaibate kana kuigadzira.

Mushure mekuongorora, vanhu vakazoona mumota iyi muine chinhu chinofungidzirwa kuti chikwambo icho chichifamba chichitaura. Mainzwikwawo kunhuwa kwefodya yebute.

Motokari iyi inonzi yakabviwa nayo kwaGutu, kuMasvingo, ichinzi izogadzirwa pagaraji apa mushure mekunge yabondera mutsaona.

Pakuuyiwa nayo kuHarare kuti izogadzirwa, mota iyi inonzi yakazoita tsaona zvakare kanokwana katatu apo yaidhonzwa.

Chinhu chiri mumota iyi chinonzi chinotaura mashoko anosanganisira kuti, “Muri kudei pano?”, “Ndisiyei musandibate”, “Uri kudei pano iwe?” nekuti “Musandigadzire”.

Ari kuzviti ndiye muridzi wemotokari iyi (zita rake tinaro) — uyo akataura neKwayedza panhare ndokukumbirisa kuti asadurwe nezita — anoti ava kutotyawo nezviri kuitika zvekunzi mumota make mune chinhu chiri kutaura.

Kwayedza yakazoshanyira garaji iri ndokuona chinonzi chikwambo ichi, icho chaive nemusoro unenge zizai wakabatanidzwa nenyanga, pakabairirwa tsono uye chakamonerwa nejira dzvuku.

Chinhu ichi chaive pasi pechigaro chemota uye chakafamba vatori venhau vachitoona.

Chinhu chinonzi chikwambo

Chaizunguzika-zunguzika chichiburutsa karuzha kaiita sekushita kwenyoka.

Panzvimbo yachaive, paive pakamwaiwa munyu wemagodo.

Makanika wemotokari iyi, Ronnie Katsiru (42), anoti vainge vamwaya munyu senzira yekuti chinhu ichi chiregedze kuramba chichifamba-famba.

“Kubvira kumwaya kwandaita sauti yemagodo iyi, chabva changomira panzvimbo imwe nekuti change chichitenderera nemotokari yose,” anodaro.

Anoti vakanotora motokari iyi kwaGutu uye pavaive munzira kuuya nayo kuHarare, vakaita tsaona katatu.

“Muridzi wemotokari iyi akaita tsaona nayo ari kwaGutu achiti aiedza kunzvenga mombe dzaakaona dziri mumugwagwa.

Asi munin’ina wake uyo waaiva naye ari kuti hapana kana mombe dzaakaona.

“Vaviri ava havana kukuvara mutsaona iyi asi motokari ndiyo yakakuvara vachibva vatidaidza kuti tinoitora tizoichinja bhodhi rayo iro rakaparara,” anodaro Katsiru.

Anotizve akaenda nemumwe waanoshanda naye anonzi Utolezve Zvinavashe kunodhonza motokari iyi asi vakazoita tsaona katatu vakapotsa vafa apo vaiva murwendo nayo kudzoka kuHarare.

“Pekutanga ini handina kuenda, ndakatuma vanhu kunoitora. Vakangofamba 20 km mota yavaidhonza ikaputika mavhiri vakaisiya ikoko kwemasvondo maviri.

“Ndikavatuma kechipiri, vakangofamba makiromita maviri ichibva yabva vhiri vachibva vararako. Asi kuchingoedza vakabva vaona vhiri riya ravaishaya riri pedyo navo. Vakabva vaidhonza futi ichibva yabheuka kechipiri ndokuwira mubhiriji.

“Pandakazoenda inini, mota yatakange tinayo yakabva yatanga kubhoira zvakasimba tichangosvika pabhiriji pekare petsaona ikatinetsa kubva ipapo. Hwakange hwava husiku tikamboedza kutsvaga rubatsiro zvikaramba.

“Takamboedza kuisesedza kuti ipinde muChivhu mataida kutenga mamwe mapatsi asi tangoti fambei, mota yataidhonzesa yakakwachuka mavhiri. Patakaburuka kuti titarise, takabva taona mota yataidhonzesa isisina masitadzi ekubata rimu yasara nerimwe chete,” anodaro Katsiru.

Anoti mangwanani ezuva rakatevera, vakapinda muChivhu vakatenga masitadzi emota asi yavaidhonzesa nayo yakabva yatanga kubhoira zvekuti zvakavatorera mazuva matatu kuti vafambe makiromita makumi matatu.

“Mota yataidhonzesa neyataidhonza zvakazodhonzwa nemumwe munhu kusvika muChivhu munova matakazoisiya kwemwedzi wose. Takazoenda kunoitora futi kubva muChivhu kuti tiuye nayo kuno. Asi tichangofamba 15 km, yakabva yabva vhiri tikapotsa taroverana nemagonyeti tichibva taijega pachibva patanga kuita ma10 cents pasi pemota atakashaya kuti akabvepi.

“Ndopatakazobva ipapo zvekuti takange tave kutopopotedzana pachedu vanamakanika,” anodaro.

Katsiru anoenderera mberi achiti, “Tasvika paMutangadura, zvakatanga zvakare apo yataid honzesa yakafa sitata nekuponja mavhiri, iyiwo yataidhonza ndokubva masitadzi.

“Tasvika pedyo kuGlen Norah Police Station, tambo yataidhonzesa mota yakadambuka zvikaita kuti iyo yataidhonza imhanye ichibva yanorovera pane rimwe garaji remota apo takazoisiya. Takazoitora muzuva rakatevera ndokusvika nayo pano,” anodaro.

Anoti kwapera mazuva mashoma vave kuda kugadzira motokari iyi vari pagaraji rekuBudiriro, ndipo pavakanzwa yotaura kuti, “Siyanai neni imi”.

“Takashamisika kunzwa izwi gobvu rechirume richiti, ‘Siyanai neni imi’ apo taida kutanga basa rekuigadzira. Patakadongorera ndipo takaona jira dzvuku rakabairirwa tsono, chinenge zai nenyanga chichinhuhwa bute.

“Dambudziko riripo nderekuti muridzi wemota iyi haasi kuda kuuya, ari kungotaura nesu panhare achiti pamwe ndezvekumusha kwake uye anoti mota iyi akaitenga kune mumwe munhu chinhu ichocho chirimo. Musi uno akauya asi haana kusvika kugaraji, akagumira kuchiteshi uko,” anodaro.

Katsiru anoti chinovashamisa ndechekuti motokari iyi yakabheuka katatu asi chinhu ichi chinenge zizai chirimo hachina kuputsika.

“Iye muridzi wayo akatiudza kuti kubvira musi wavaita tsaona mushure mekuona mombe mumugwagwa, baba vake havasi kukwanisa kutaura,” anodaro Katsiru.

Anoti achapedzisira azopisa chigaro chemumotokari icho chine chinhu chinonzi chinotura ichi kuti akwanise kuita basa rake.

Zvinavashe anotiwo ndekekutanga muupenyu hwake kusangana nechiitiko chakadai.

“Zvinotyisa izvi, zvino tinoigadzira sei motokari yacho kana ichitaura? Mangwanani ega-ega tainge totopinda busy nekuti taitanga taikwazisa kuti ‘Mamuka sei Vamota kana kuti Sekuru’ nekutya kuti tingaitirwe zvimwe kana tikasairemekedza,” anodaro Zvinavashe.

Mumwe mugari wemunzvimbo iyi, VaJoseph Matimbe (42), vanoti vakanzwawo chinhu chinonzi chikwambo ichi chichitaura.

“Nomusi weChina manheru, ndakanzwa kuti pane mashura echinhu chiri kutaura mumotokari. Pakutanga ndakafunga kuti vari kuita muchohwo (kutamba) asi pandakati ndidongorere ndizvionere, ndakaona mucheka mutsvuku, tsono nezai. Ndipo pandakanzwa izwi richiti ‘Uri kudei pano iwe?’ Ndakabva pano ndiri bara,” vanodaro VaMatimbe.

VaObvious Masuka (23) vanova mumwe wevanogadzira mota pagaraji apa vanoti vari kutyiswa zvikuru.

“Ini pandakasvika pamota ndichida kuvhura chigaro kuti nditore zvinhu zvirimo, ndakanzwa izwi remunhu richitaura remunhurume mujaindi,” vanodaro.

Kwayedza yakazokurukura neanonzi muridzi wemotokari iyi panhare uyo anova akashatirwa zvikuru akatanga kupopota.

“Ndapota musanyora nyaya iyoyi nekuti ini ndiri munhu ano‘dealer’ nezvepfuti, mazvinzwa? Vanhu kana vakanzwa kuti ndinoromba nezera rangu iri vanoti kudii? Ini zviri kutondinetsawo nekuti zvinogona kunge zviri kuitwa nevemumhuri mangu kana mumwe munhu nekuti ndakatofambawo kun’anga dzinodarika nhatu ndichibvunzira.

“Saka kana imi mukanyora zvinozobatsirei? Ko iye makanika wangu akuudzai zvose izvi kuti zviite sei?

“Apa ndakamupa RTGS$2 500 yangu munaKukadzi gore rino asi nanhasi haasati apedza basa. Ndakamuti aise bhodhi idzva pamota iyoyo mushure metsaona, mwedzi wese uyu akanga achiitei nayo?

“Pandakafamba ndakaudzwa kuti kune hama dzangu dzinoda kundiitisa ‘mayazi’ kuti vanhu vekunze vazotaura pamusoro pangu,” anodaro achikumbirisa kuti asadurwe nezita rake.

Anoenderera mberi achiti, “Handidi kuburitswa mubepa asi nyaya munogona henyu kunyora musingaburitse zita rangu. Motokari iyi ndakaitenga mucar sale iine nhamba idzodzo uye hatina kuzochinjisa mazita. Chandinoona ndechekuti makanika uyu haasi kuda kugadzira mota mushure mekudya RTGS$2 500 yangu.

“Hongu, kuBudiriro ndakaendako mushure mekunge andifonera achiti mumota mune chinhu chinotaura, asi ndakagumira kuchiteshi nekuti ndaitochityawo. Ko kana ndikauraiwa kana kukuvadzwa?”

Pagaraji rimwe chete iri, Katsiru anoti mugore ra2018 pakambofuma paitwa mashiripiti ekugezwa kwemotokari idzo dzainge dzakamirira kugadzirwa zvinova zvakavashamisa.

“Vamwe ndivo vanoti pane guva riri pedyo negaraji rino nokudaro tinovimba kuti chipoko chemunhu iyeye chinogona kudaro chiri icho chakageza mota,” anodaro.

Votaura nezvemashura aya, mutungamiriri wesangano revarapi vechivanhu nevemachechi reZimbabwe National Practitioners Association (ZINPA), Sekuru Friday Chisanyu, vanoti zvinoda kuti muridzi wemotokari iyi abatsirwe, chinhu ichi chobviswa.

Mumwedzi waZvita 2017, Kwayedza yakaburitsa nyaya inodyidzana neiyi yemotokari yekuHopley yerudzi rweMistubishi Pajero iyo yainge yakasiiwa pakati pemugwagwa ichinzi yaitaura pamwe nekudzemura vanhu nemambama kana vachinge vamira pedyo nayo.

“Motokari iyi yakakonzera tsaona dzakawanda uye ndokuzobviswa nekanzuru yeHarare apo yakange yatora masvondo maviri iri pakati pemugwagwa.

Share This:

Sponsored Links