Uncategorized

Moto wemasaramusi pamusha

17 Aug, 2018 - 00:08 0 Views
Moto wemasaramusi pamusha Dzimba dzakapiswa nemoto wemasaramusi

Kwayedza

Liberty Dube ari kwaMARANGE

IMWE mhuri yekwaMarange iri kugara yakabatira hana mumawoko zvichitevera kuparadzwa kwakaitwa dzimba nhatu nemidziyo yavo mukati memwedzi mitatu nemoto unongotanga woga zvinova zvaita kuti vasare vasina pekugara.

Nemwana ane mwedzi miviri yokuberekwa ari kugarawo panze.

Moto wemasaramusi uyu unonzi unotangisa woga apo unopisa huswa, hozi nezvimwe zvinhu pamusha waMatope uri mubhuku raMuoko.

Mamiriro ezvinhu aya aita kuti VaTsanangurai Matope nemudzimai wavo Chipo Mukunguma zvose nevana vavo vatatu vatize musha vachinogara kuminda iri chinhambwe chemamita 500 kubva pamusha pavo.

Mhuri yekwaMatope iyo yave kugara pamhene mushure mekutiza musha nekuda kwemoto wemasaramusi.

Mhuri iyi iri kurarama nekupihwa zvekudya nevane tsiyo nyoro uye iri kukumbira rubatsiro kune vanokwanisa kuipa mbatya, magumbeze nezvekudya.

Vamwe vemhuri iyi pavakashanyirwa nevatori venhau svondo rapera vanoti moto wemasaramusi uyu wakatanga munaChivabvu uye wakonzera kutambura kukuru.

Mwana wavo ane mwedzi miviri yekuberekwa ndiye ari panjodzi huru yekubata zvirwere.

Mhuri iyi inoti yaedza kufamba kun’anga nekumaporofita asi hazvisi kupera.

“Ichi chiratidzo chekuti pane zvisina kumira zvakanaka asi hatizive kuti chii,” anodaro Chipo.

“Moto uyu wakatanga munaChivabvu apo ndakange ndichangobva kusununguka mwana wangu musikana. Wakapisa imba yedu yekubikira nechibage nezvimwe zvinhu zvishoma. Mazuva matatu akatevera, wakatanga zvakare ndokupisa imba yekurara. Wakazopisazve imwe imba apo takange tisati tafunga zvekutiza pamusha. Zvino tave kugara tichitya,” anodaro.

Mhuri iyi haina rugare sezvo moto uyu uchigona kutanga chero nguva nepose pose pakatenderedza musha wayo.

“Tiri kurarama nekubatsirwa nevamwe sezvo chibage chedu nemidziyo zvakaparadzwa. Tinotya nekuti hatizivi kuri kubva moto uyu. Ndinopedza zuva rose ndakatakura mwana wangu nekuti upenyu hwake huri panjodzi.

“Takaedza kufamba kun’anga nekumaporofita asi hapana chiri kusanduka. Moto uyu nguva pfupi yadarika wakapisa huswa nezvimatanda zvaive pedyo nemusha saka tave kutya kuti unogona kutanga zvakare kuno kwatava kugara,” anodaro.

Pakashanyira Kwayedza musha wakatizwa nemhuri iyi, yakaona dzimba nhatu dzaive dzisina matenga dzichinzi dzakapiswa nemoto uyu.

Paive zvakare nehungwanda-ngwanda hwemidziyo pachivanze.

Mumwe wemhuri iyi, Jeremiah Matope anoti: “Tine chivimbo chekuti pane zvisina kumira zvakanaka. Zvichida ingozi.

“Tiri kutsvaga rubatsiro kuitira kuti tikwanise kudzokera pamusha. Kurara pamhene injodzi kuutano hwedu, zvikuru kumucheche uyu.”

Votaura nezvenyaya iyi, VaGeorge Kandiyero, avo vanove nukuru wesangano remachiremba echivanhu reZimbabwe National Traditional Healers Association, vanoti izvi zvine chekuita nehuroyi.

“Zvinogona kuita kuti moto uyu chiratidzo chemabasa emweya wehuroyi. Inogona kuve nzira yekuda kuti vemhuri iyi vagare vachitya. Zvinogona zvakare kuti zvichida mweya wemunhu akafa uri kukonzera moto uyu senzira yekudzorera zvaanenge akatadzirwa. Pachivanhu, vamwe vanoshandisa nzira dzakadai kuratidza kutsamwa kwavo,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links