Moto weMbare: Musika mutsva uchabatsira 10 000

30 Oct, 2024 - 09:10 0 Views
Moto weMbare: Musika mutsva uchabatsira 10 000 Dr Muswere

Munyori weKwayedza

ZVICHITEVERA moto wakaparadza Mbare Musika Traders Market nguva pfupi yadarika, Hurumende yakaparura hurongwa hwekuvakwa kwemusika wemhando yepamusoro une zvikamu zvitatu zvemudurikidzwa zvichashandiswa nevatengesi vanosvika 10 000.

Vachitaura kuvatori venhau mushure memusangano wedare reCabinet nemusi weChipiri chino, gurukota rezvekuburitswa kwemashoko nenhepfenyuro — Dr Jenfan Muswere — vakazivisa mafambiro ari kuita zvinhu zvichitevera kuparadzwa kwakaitwa musika uyu nemoto izvo zvakaona vatengesi vachirasikirwa nemidziyo inokosha mamiriyoni emadhora.

Purojekiti yekuvaka patsva, iyo ichatora mwedzi minomwe kuti ipere, ine chinangwa chekuti musika mutsva uyu uve musimboti wekutengeserana.

Hurumende yakawana imwe nzvimbo yekuti vatengesi vafanoshandisa kwenguva pfupi iyo yakatarisana neCarter House kubva kukanzuru yeHarare kuitira kuti kuvakwa patsva kwemusika uyu kutange.

Dr Muswere vanoti senzira yekuronga zvekare Mbare Musika Traders Market, zvichitevera kuziviswa kwakaitwa naPresident Mnangagwa kuti kuparadzwa kwemusika uyu idambudziko guru, Hurumende ine hurongwa hwekugadzirisa dambudziko iri pasi pechirongwa cheBuilding Back Better Programme.

“Ongororo yakaitwa neHurumende yakaratidza kuti vatengesi vanosvika 4 695 vakawirwa nenjodzi iyi, iyo yakakanganisa raramo yevanhu 23 000,” vanodaro.

Dr Muswere vanoti pazvikamu zvitatu zvemudurikidzwa zvichavakwa paMbare Musika Traders Market, mabhizimisi achapatsanurwa achiiswa mumapoka anoenderana nebasa rinenge richiitwa.

“Musika mukuru uchavakwa patsva uchatora vatengesi vanosvika zviuru gumi. Basa rekuvakwa patsva kwemusika weMbare Musika Traders Market riri kutarisirwa kutora mwedzi minomwe kuti ripere, kutanga munaMbudzi 2024.

“Chirongwa cheMbare Musika Traders Market chichave muenzaniso wehurongwa hweSmart Market. Chinangwa cheSmart Market ndechekusimudzira nharaunda yekutengesa kuburikidza nezvivakwa zvakachengeteka uye zvechizvino-zvino, ” vanodaro.

Dr Muswere vanoti Hurumende ichapindira mukubatsira vatengesi ava nezvirongwa zvakawanda zvinosanganisira kuwaniswa kwerubatsiro rwechimbi chimbi serutsigiro rwekubhadharirwa mari yevana yechikoro, kuchengetedzwa kwevana pamwe nekumutsiridza nekukasika kwemabhizimisi kuburikidza nezvikwereti.

Share This:

Sponsored Links