Uncategorized

Moto wesango muCovid

30 Jun, 2021 - 10:06 0 Views
Moto wesango muCovid

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

ENVIRONMENTAL Management Agency (EMA) inoti iri kufadzwa zvikuru nebudiriro iri kuitwa pakurwisa moto wesango zvisinei nezvimwe zvimhingamipinyi zvairi kusangana nazvo mubasa iri nekuda kwechirwere cheCovid-19.

Mwaka wemoto wesango muZimbabwe unotanga musi wa31 Chikunguru nekudaro varimi neveruzhinji vanokurudzirwa kuti vatore matanho akasimba ekudzivirira moto uyu.

Mai Amkela Sidange, avo vanova environmental education and publicity manager kuEMA, vanoti kuuya kwechirwere cheCovid-19 munyika muno pakutanga kwegore ra2020 kwakakanganisa mamwe ematanho aitarisirwa kutorwa mukurwisa moto wesango mwaka uno.

“Gore rino, dingindira redu rinoti ‘Moto Yesango Nekuchengetedzwa Kwechikafu uye Goho’. Takaedza kuita zvirongwa zvekufundisa vanhu munharaunda dzakatsaukana maringe nekurwisa moto wesango uye tichiri kuenderera mberi kunyangwe zvazvo tisingachakwanisa kuunganidza vanhu tichivapa mashoko nekuda kwekuti munyika mune chirwere cheCovid-19. Kuti vanhu vazive, pamwe pacho panenge pachida kuti vange vachiratidzwa maitirwo azvo asi nekuda kweCovid-19 tiri kungoita zvakakodzera tichikoshesa utano hweveruzhinji,” vanodaro.

Mai Sidange vanoti nzvimbo dzavari kunyanya kutarisa mukurwisa moto wesango dzinosanganisira matunhu emaMashonaland neManicaland.

“Senzira yekurwisa Covid-19, tiri kushandisawo dzimwe nzira dziri nyore dzinoderedza kusangana kwevanhu semasaisai eindaneti apo tinofundisa vanhu nezvekuipa kwemoto wesango kuburikidza neFacebook, Twitter, WhatsApp, YouTube uye Instagram. Tine zvekare maWebsite nezvinyorwa zvatinoshandisa mukukusha ruzivo rwekurwisa moto wemhando iyi,” vanodaro Mai Sidange.

Vanoti vari kushanda zvekare nemamwe mapoka anosanganisira Forestry Commission, ZimParks, AGRITEX, Zimbabwe Republic Police (ZRP), Carbon Green, Firefight Trust,Troutbeck Hotel, Seed Co, NetOne, makanzuru ekumaruwa, vatungamiriri vematunhu semadzishe nevechidiki.

“Zvisinei nematambudziko atiri kusangana nawo, tiri kuona shanduko huru mukurwiswa kwemoto wesango mwaka uno kupinda zvatakanga tiri kufungira. Takapa magwaro ekuchengetedzwa kwenharaunda kumakambani anosvika 900 (Environmental Protection Orders), kuvarimi, vanoroja, varidzi veminda nevanhu vari munharaunda dzakatsaukana.

“Mumagwaro aya tinenge tichivaudza zvavanofanira kunge vachitevedza mukuchengetedzwa kwenharaunda musi wa30 Chikumi usati wasvika. Takaita zvekare misangano inosvika 2 800 munharaunda dzakasiyana pamwe nekufundisa vanhu kushandiswa kwemarara kunopa pundutso sekugadzira manyowa emupfudze, kubika marara achigadzira mimwe midziyo semarara epurasiti ayo asingaori (biomass reduction), kucheka huswa vachipfirira dzimba kana kuchengeta sechikafu chemombe,” vanodaro.

Mai Sidange vanokurudzira veruzhinji kuti vagadzire hwaro hwekuganhura moto (fire guards) sezvo hwakakosha zvikuru kuti moto wesango usaenderere.

“Pazvirongwa zvose zvatanga tichiita, takanga tichitevedza mitemo yakatarwa neHurumende mukurwisa chirwere cheCovid-19 nekuona kuti nyika yagadzirira kurwisa moto wesango mumwaka wekupisa uyo watadongorera. Vose vachawanikwa vasingatevedzeri zvatakavafundisa vane mikana yakakura yekusungwa zvichifambirana nemitemo iripo,” vanodaro Mai Sidange.

Kudzivirirwa kwemoto wesango kwakakosha zvikuru zvichifambirana nezvirongwa zveNational Development Strategy 1 zviri maringe nekuchengetedzwa kwenharaunda uye kuzadzikiswa kwezvinangwa zveVision 2030.

Gore rino, Zimbabwe ine donzvo rekuderedza moto yesango nechikamu che25 percent.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey