Mpofu, Nyahora vopinda muhondo

09 Aug, 2024 - 09:08 0 Views
Mpofu, Nyahora  vopinda muhondo Isaac Mpofu

Abel Ndooka

SHASHA dzemujaho wemarathon, Isaac Mpofu naRutendo Nyahora, svondo rino vane gomo guru rekukwira kumutambo weParis Olympic Games apo vachakwikwidza mumujaho weMen’s neWomen’s Marathon.

Mpofu ndiye ari kutanga kupinda muhondo musi weMugovera mumujaho weMen’s 42km marathon uyo achatatsurana neshasha dzepasi rese dzinosanganisira Eliud Kipchoge wekuKenya, Kenenisa Bekele wekuEthopia naTadesse Abraham wekuEthopia zvekare.

Kipchoge ari kurwira kuita mutambi wekutanga kuhwina menduru yegoridhe kumaOlympics katatu kakatevedzana.

Muchinda uyu ndiye akahwina menduru yegoridhe kumujaho we2016 Rio de Janeiro Olympics kuBrazil, 2021 Tokyo Japan Olympic Games.

Kuchiti kumujaho wemadzimai, Nyahora ane ruzivo rwekumbokwikwidza kumaOlympics izvo zvakamuona achipinda mumakwishu aya muna2016 kuRio de Janeiro uko akapedza ari pechi92.

Rutendo Nyahora

Gore rino, nyika yese ichange ichimutsigira apo achakwikwidza neshasha dzinosanganisira Tigist Assefa wekuEthopia, Sifan Hassan wekuNertherlands naPeres Jepchirchir wekuKenya uyo akahwina menduru yegoridhe ku2021 Tokyo Japan Olympics.

Zvakadaro, Zimbabwe ichiri kutarisira menduru yayo yekutanga kuParis 2024 Olympic Games sezvo parizvino iri imwe yenyika dzisati dzahwina menduru.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey