MSF sahwira anokunda hama

26 Jun, 2014 - 16:06 0 Views
MSF sahwira anokunda hama

Kwayedza

cathrineWAITI ukasvika pane mafaro kana pane vanhu vari kufarira chakanaka chavanenge vaitirwa wainzwa zvichinzi “chigutiro tamba wakaguta hukamaiko hunenge husahwira”, kune hushamwari kana husahwira hunokunda hukama. Sahwira chaiye ukasvikirwa nenjodzi ndiye waunoona achitanga kusvika kwete hushamwari hwekupembedzana nekuti matengerana doro hunoperera kubhawa ikoko.
Munharaunda dzatinogara tichine shamwari here dzinoti dzikanzwa mhere pamusha pako dzinenge dzichadonha dzichipesanisa makumbo nekumhanya kuzoona kuti chii chawira mumwe wangu kana kuti dzinotobvunzwa kuti inga munotamba mese sei musina kusvika kune mumwe wenyu awirwa nedambudziko?
Svondo rino ndamboti timbotaura nekurumbidza basa rinoitwa neveDoctors without Borders/Medecins Sans Frontieres (MSF) muZimbabwe.
MSF yashanda munyika muno pamwe chete nebazi rezveutano nekurerwa kwakanaka kwevana (MoHCC) kubva mugore ra2000. Chinangwa kana donzvo ravakauyira muno muZimbabwe inyaya yeHIV  neAIDS. Kuputika kwaita denda reshuramatongo kwakaisa nyika pamutepatepa wakaoma izvo zvakakanganisa mamiriro ehupfumi munyika. MSF yakabata basa guru   kunzvimbo dzinosanganisira Beitbridge, Gweru, Bulawayo, Buhera, Chikomba-Gutu, Epworth, Gokwe North, Mbare, Nyanga neTsholotsho. Munzvimbo yeBeitbridge, MSF yakatambidza basa rayanga ichiita kubazi rezveutano gore rakapera musi wa31 Zvita.
Mumaruwa eBeitbridge, tisingatore vari muguta iri, mune vanhu 5 500 vari pamaARV, saka veMSF vasati vasimuka vakasiya maARV akapihwa vanhu ava emwedzi mitatu kuti pasawanikwe anozotadza kuwana mapiritsi uye nekupa hurumende nguva yekusimudzira kubva payakasiira.
Tsholotsho ndiyo yeimwe nzvimbo dzave kusiiwa neMSF mukupera kwegore rinouya kuburikidza nekutevedzera chibvumirano chavakaita. Pamakore  ese avanga vari mudunhu iri vakaita zvirongwa zvekudzivirirwa kweHIV nekurapwa kwayo. Rubatsiro rwavo rwasvika kuvanhu 56 000  vanorarama neHIV.
Mukupedza zvirongwa zvavo, kunyangwe pane zvivakwa zvakaita semakiriniki, vanosiira mumawoko ebazi iri kuti basa rienderere mberi.
Chiremba mukuru anotungamira MSF kuTsholotsho, Dr David Wachi, nguva yadarika vakazivisa kuti vaive vasakura nekuzunza naizvozvo kumhanya nendima vainge vosiira bazi rezveutano.
“Takaisa vanhu vaida mishonga pamaARV, takadzidzisa veutano kuti murwere anobatwa sei kana aine utachiona hweHIV, takaendesa zvipatara muvanhu (de-centralisation) nekuti Tsholotsho ine zvipatara 14 zvinopa maARV kusanganisara Tsholotsho District Hospital. Takavaka paida kuvakwa, michina yebasa takatenga naizvozvo ndima yareruka uye nguva yekuonekana yakwana,” vakadaro Dr Wachi.
Chii chimwe chaungazoda kana uina sahwira akadai? Zvino zvava kwauri iwe kufuga kana kuwarira. Basa guru raungabatsire naro kuti chirongwa ichi chisafire panzira ndechekuti kana uchiziva kuti hauna HIV pauri ipapo mira wakadaro usazorumwa nechekuchera. Kune uyo ari kurarama neutachiona hweHIV, basa nderako zvakare usazoti zvachakabaya chikatyokera ko zvichine basa rei? Ukaramba uchichera mvura mudziva rese-rese uchasangana nayo ngwena ichagumisa hupenyu hwange hwatanga kuvaima. Mira pauri ipapo uye donzvo guru kumira nemudiwa mumwe chete akavimbika.

Wenyu:[email protected]

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey