Uncategorized

Mubhegi hamuna musoro wemunhu, asi simende: ZRP

08 Oct, 2021 - 10:10 0 Views
Mubhegi hamuna musoro wemunhu, asi simende: ZRP Asst Comm Nyathi

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) vari kuyambira veruzhinji kuti imhosva kufambisa mashoko emanyepo sezvo zvichiguma zvakonzera mheremhere nemhirizhonga muvanhu asi ipo pasina zviripo.

Yambiro iyi inotevera nyaya yekurohwa kwakaitwa mumwe mukadzi kudzimba dzemudurikidzwa dzeMagaba Flats Block 3, kuMbare muguta reHarare nemusi weChina chino apo aipomerwa kuti mubhegi rake maiva nemusoro wemwana.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanoti kwakava nekusagadzikana mumusha weMbare apo vanhu vakarova mukadzi ainzi aiva nebhegi rine musoro wemunhu, anova mashoko akafambiswa nemumwewo munhu asi ari enhema.

“Kufambisa mashoko emanyepo kuruzhinji anozokonzeresa kusagadzikana kwezvinhu muvanhu uye imhosva pamutemo wenyika ino nekuti vanhu vanoguma vave kurwisana nekusvibisawo mazita evamwe vanhu. Senyaya yakaitika nezuro kuMbare, yemunhu akafambisa mashoko ekuti bhegi raaiva atumwa naro kune mumwewo mudzimai raiva nemusoro wemunhu.
“Vanhu vachinzwa izvi, vakabva vatanga kurova mukadzi ainzi muridzi webhegi iri vachimuti musoro wemunhu aida kuushandisa chii uyewo vaida kuziva kuti waiva waani nekuti akanga afa nei,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Vanoti mukadzi anonzi Grace Thole akatuma murume akangozivikanwa saPablo kuendesa bhegi kune mukadzi anonzi Hellen.
“Murume uyu anonzi Pablo, paakasvika nebhegi iri kuna Hellen akashevedzera nezwi raiva pamusoro achiti, ‘Iwe Hellen unofanirwa kuva nemwoyo wakasimba nekuti bhegi rako randauya naro rine musoro wemunhu’.

“Vanhu vakanzwa mashoko aya vakava nekuvhunduka kukuru ndokutanga kubvunza zvakawanda nekuda kwebhegi iri vakabva vatanga kurova Hellen vachiti musoro wemunhu aiuda wei uyezve waiva waani,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Nekuda kwenyaya dzevana vadiki vari kupondwa nevamwewo vakuru, nyaya iyi yakaunganidza vanhu vakawanda vachida kuona wainzi musoro uyu vamwe vachirova mudzimai uyu.

“Mudzimai uyu akazotorwa akaendeswa kumapurisa ekuMatapi Police Station apo bhegi rake rakanovhurwa rikawanikwa muine simende yakaoma. Mapurisa vakazoendawo kumba kwemudzimai uyu vakanosecha pasina chavakawana,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Share This:

Sponsored Links