Muboora une dovi

01 Dec, 2017 - 00:12 0 Views
Muboora une dovi

Kwayedza

MUNGUVA ino yatiri yeZhizha, muriwo wemuboora unowanda zvikuru muminda. Muboora kudya kune utano uye kusingadhure.

Svondo rino Judith Chikero wekuSunningdale 2, muHarare anotitsanangurira mabikirwo emuriwo uyu.

Zvinodiwa:

Chikari kana poto, mugoti, muriwo wemuboora, hayanisi, matomatisi, munyu, dovi nemafuta.

Mabikiro:

Furura muriwo wemuboora wawatenga kana kuti wawatanha mubindu kana mumunda.

Ucheke-cheke uchiita zvidimbu zvidiki. Isa muriwo wako muchikari kana mupoto uye usaise mvura yakawanda nekuti muboora unoburitsa mvura pachawo.

Chekerera hanyanisi nematomatisi wokanda kana mvura yave shoma.

Chikanda munyu nemafuta mashoma.

Siya zvikwate kwemaminitsi mashanu.

Isa zvipunu zviviri zvedovi woramba uchikurunga kusvika zvanyatsosangana.

Muto wacho isa munyu mushoma.

Kana muboora waibva, unoita segwatakwata. Muboora unogona kudyiwa nesadza remhunga, rezviyo kana jena.

Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey