MUCHAFARA: NAKAMBA

29 Nov, 2019 - 00:11 0 Views
MUCHAFARA: NAKAMBA Marvelous Nakamba

Kwayedza

Abel Ndooka
MUTAMBI wenhabvu wemaWarriors neAston Villa yekuEngland, Marvelous Nakamba anoti shuviro yake kuunza mufaro kuvatsigiri vese venhabvu vemuno nekuhwina mibairo mukuru yenhabvu nenyika yake.

Nakamba akaita mutambi wenhabvu wechishanu wemuZimbabwe kutambira muEngland Premier League achitevera matsimba aBruce Grobbelaar, Peter Ndlovu, Benjani Mwaruwari naBrendan Galloway, uye kutengwa kwaakaitwa neAston Villa matambiro ake aari kuita kurakidza kuti sei Dean Smith murairidzi wake akabhadhara mari inosvika 11 miriyoni paunzi kumuunza kuchikwata ichi achibva kuClub Brugge yekuBelgium.

Achitaura neKwayedza nguva pfupi yadarika muHarare apo ainge auya kuzotambira maWarriors mumutambo wekurwira tikiti rekuenda kumakwishu e2021 Africa Cup of Nations ayo achaitirwa kuCameroon, Nakamba akati rutsigiro rwaari kuona kubva kuvatsigiri vemuno zvichitevera kutengwa kwake neVilla kunonwisa mvura uye acharwa semvumba kuti agounza mufaro kwavari.

“Zvinofadza zvikuru uye zviri kundipa simba kuti ndirambe ndichishanda nesimba nguva nenguva kuti tiunze mufaro kwavari vatsigiri vedu,” akadaro.

Muchikwata chemaWarriors, Nakamba ndiye mumwe wevatambi vechikwata ichi vakuru vanotarisirwa nevamwe vatambi uye aive muchikwata chemaWarriors chaive kumakwishu eAfrica Cup of Nations yakaitwa gore rino kuEgypt uye nechakaenda kuGabon mugore ra2017 chichirairidzwa naKalisto Pasuwa. Iyezvino ari kurwira kuenda kuAfcon yake yechitatu uye makwishu eFIFA World Cup 2022 iyo ichaitirwa kuQatar.

Kubva Nakamba atanga kutamba nhabvu, shasha iyi yakakurira mumhuri yeBantu Rovers umo akabikwa zvakasimba tarenda rake uye mugore ra2012 akaabva aenda kuFrance uko akanotambira chikwata cheNancy icho parizvino chiri kutambira muFrench Ligue 2. Achibva kuNancy akabva aenda kuVitesse yekuNetherlands uko kwaakanyatsogadzira zita rake kwaakatamba kubva mugore ra2012 kusvika mugore ra2017 apo akazobva achienda kuClub Brugge uko aitambira mwaka miviri yadarika.

Ari kuClub Brugge mutambi uyu akahwina mukombe weligi weBelgian First Division Trophy mumwaka wa2017-18 izvo zvakazomuona achitamba mumakwikwi eUEFA Champions league wemwaka wegore ra2018-19 apo chikwata chaksangana nezvimwe zvikwata zvinosanganisira Atletico Madrid.

Achibva kuClub Brugge ndipo paazotengwa neAston Villa mwaka uno uye ndiye mutambi wenhabvu ega kubva muZimbabwe ari kutambira muEngland Premier league.

Achitaura pamusoro pehupenyu hwaari kurarama kuEngland, Nakamba anoti ari kufambirwa zvakanaka uye anoda kuramba achidzidza achisimukira mumutambo uyu wenhabvu.

“KuEngland hupenyu huri kufamba zvakanaka uye ndiri kunzwa manyukunyuku nepandiri saka ndinoda kuramba ndichishanda nesimba ndigosvika kure, shuviro yangu kuti ndirambe ndichisimukira mumutambi uyu uye ndigounza mufaro kuchikwata cheAston Villa nevatsigiri vedu.

“Ini pachangu nditori mutsigiri mukuru weAston Villa nekuti yandandizarurira mukana wekuuya kuzotamba muligi renhabvu hombe pasi rese,” akadaro.

Shasha iyi inoti rutsigiro rwaanopihwa nevabereki vake Anthony naCharity Nakamba runokomborera uye zvinomutuma kuramba achishanda nesimba kuti aunze mufaro kwavari.

“Vabereki vangu ndivo vatsigiri vakuru vangu vakuru uye vanogara vachinditsigira uye pese pandinouya kuzotambira maWarriors vanenge varimo munhandare vachinditsigira saka zvinhu zvakandikoshera zvikuru uye ndozvitenda, ndizvo zvimwe zvacho zvinondituma kuti ndirambe ndichizvisunda ndishande nesimba,” akadaro Nakamba.

Kubva aenda kuAston mutambi uyu akwanisa kutamba mumitambo minonwe yemuEngland Premier league kozoti umwechete weCarabao Cup.

Shasha iyi yaive muchikwata cheVilla icho chakasangana neManchester City, Arsenal uye neLiverpool mitambo iyo anoti achiri kuirangarira zvikuru sezvo aisangana nevatambi vakuru venhabvu pasi rese.

“Iyi imwe yemitambo ndichiri kurangarira zvikuru yandakatamba asi yese yandatamba yakandikoshera zvikuru uye ini chishuvo change kuti ndirambe ndichisimukira mumutambo wangu uye nechikwata changu tienderere mberi munhabvu,” anodaro.

KuAston Villa, Nakamba ari kurairidzwa naDean Smith uye naJohn Terry gamba renhabvu remuEngland iro rakaita mukurumbira achitambira Chelsea Football Club, England neAston Villa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>