Muchandiona: Mukamba

24 Dec, 2021 - 15:12 0 Views
Muchandiona: Mukamba

Kwayedza

Abel Ndooka

MUTAMBI wenhabvu weNgezi Platinum Stars nemaWarriors — Denver “Mundikumbuke” Mukamba — anoti mukana wechipiri waakapihwa zvichitevera kushevedzwa kwaakaita kupinda muchikwata chenyika apo chiri kugadzirira kuenda kumutambo weAfrica Cup of Nations (Afcon), uyo uchatambirwa kuCameroon munaNdira, mukuru uye achaubatisisa.

Mukamba zvakawanda zvaitarisirwa kubva kwaari munhabvu uye zvichitevera kuhwina kwaakaita mubairo weSoccer Star of the Year mugore ra2012, akabva aenda kunotambira kuSouth Africa.

Ari kuSouth Africa, hupenyu hwake hwaairarama hwakaona nhabvu yake ichidzikira zvikuru akazodzoka muZimbabwe apo zvinhu zvakange zvave kusamufambira zvakanaka. Akazotambira zvikwata zvinoti Dynamos FC, CAPS United, Manica Diamond neChapungu United kusvika ave kuNgezi Platinum uko ari kutambira pari zvino.

Mukamba anoti mukana waakapihwa wekudzoka muchikwata chemaWarriors mukuru uye ari kuubatisisa kuti zvigomubatsira kuti agodzokera kunotambira kunze kwenyika zvekare.

Anoti kana akabudirira kuzopinda muchikwata chichazosarudzwa chekuenda kuAfcon, anoda kurakidza tarenda rake pasi rose kuti agotengwa nezvikwata zvekunze.

“Uyu mukana mukuru wandakapihwa uye ndiri kuubatisisa nemaoko maviri. Ndakaona zvakawanda kumashure saka ndakadzidza kuti unofanirwa kuzvibata sei muhupenyu hwako,” anodaro.

“Mutambo weAfcon mukuru pasi rose saka mukana wandapihwa uyu ndichaushandisa nemazvo ndiratidze pasi rose zvekare chipo changu. Ndinoda kunotambirwa kunze kwenyika zvekare sezvandakamboita kare. Saka uyu ndiwo mukana wacho wekugadzira zita rangu sezvo kuAfcon ndiko kunoonekwa vatambi vazhinji nezvikwata zvekunze,” anodaro Mukamba.

Anoti ari kugutsikana nematambiro aari kuita nhabvu mwaka uno mushure mekupedza gore akangogara zvichitevera kumbomiswa kwakamboitwa mitambo nekuda kweCovid-19.

“Kuuya kweCovid-19 kwakambotidzosera kumashure asi iye zvino ndine mufaro kuti hupenyu hwedu hwave kuendeka. Mwaka uno tatanga zvakanaka saka ndicharamba ndichishanda nesimba kuti tirambe tichisimukira sechikwata,” anodaro.

Zvakadaro, svondo radarika maneja wemaWarriors, Wellington Mpandare, akazivisa kuti chikwata chenyika ichi chiri kutanga gadziriro svondo rino dzekuenda kumutambo weAfcon 2021.

Share This:

Sponsored Links