Muchatiguta: Masomere

11 Jan, 2019 - 00:01 0 Views
Muchatiguta: Masomere Luke ‘Vahombe’ Masomere

Kwayedza

Abel Ndooka
MURAIRIDZI weManica Diamond, Luke ‘Vahombe’ Masomere, anoti chikwata chake icho chiri kukwikwidza muCastle Premiership kekutanga gore rino chauya zvachose uye hachina wachinovhunduka.

Mwaka uno, maziso ese achange ari paManica Diamond yekwaMutare iyo yakapinda muCastle Premiership mushure mekunge yatamba nhabvu yainwisa mvura kuDivision One izvo zvakatuma hutungamiri hwechikwata ichi kutaura kuti vanoda kuita mukurumbira muAfrica yese.

Asi achitaura neKwayedza svondo rino, Vahombe – uyo ave kudanwa nezita remadunhurirwa nevatsigiri kuti Dr of Football kana kuti His Excellency – anoti chikwata chake chauya zvachose muPSL.

“Isu sechikwata, chekutanga ndechekuti tauya zvachose uye hapana kwatiri kuenda. Handisi kuda hangu kuvimbisa kuti tichapinda torakasha zvimwe zvikwata kana kuhwina mikombe yakawanda mumwaka wedu wekutanga. Asi zivai kuti isu hatisi kuzongorakashwa sezvinoitwa zvimwe zvikwata zvinenge zvapinda muPSL zvobva zvadzokera kwazvinenge zvabva, kwete.

“Isu tauya kuzogara muno zvachose nekuti muno muPSL ndimo medu matinokodzera kuve tiri,” anodaro.

Chero zvazvo Masomere achiti mwaka uno haadi kuvimbisa kuti vachasimudza mukombe, chikwata chake chatenga vatambi vepamusoro vakawanda vanosanganisira Partson Jaure, Marshall Mudehwe, Peace Makaha naPritchard Mpelele.

Anoti vari kuda kuti vazove chimwe chezvikwata zvikuru zvemuno zvenhabvu uye vozonomirira nyika kunze kumitambo yeCAF Champions League nemimwe.

“Vatungamiriri vechikwata chedu vanoda kuti isu tigove chimwe chezvikwata zvikuru zvenhabvu muAfrica,  zvinogoneka kuitika uye ndizvo tiri kushanda kuita saka tiri kuvaka uye munguva pfupi inotevera tichange tave padanho iroro,” anodaro.

Shasha iyi yashandura nhabvu kuManicaland zvekuti vatsigiri venhabvu vemudunhu iri vave kutomushevedza vachimuti ‘His Excellency’ vachimurumbidza nebasa raari kubata kusimudzira nhabvu.

“Handichangonzi Dr of Football chete asi kuno ndave kutoshevedzwa saHis Excellency nekuti vanhu vari kufarira basa randiri kubata rekusimudzira nhabvu.

“Chikwata chedu chaunza mufaro kune vazhinji uye ndiko saka mazita aya erumbidzo ari kungowanda,” anodaro Masomere.

Zvichitevera kuburitswa kwakaitwa Mutare City Rovers muCastle Premiership mwaka wadarika, Manica Diamond ndiyo ichange yakamirira guta reMutare muPSL mwaka uno.

 

Share This:

Sponsored Links