Uncategorized

Muchinda tasa arambwa

18 Sep, 2020 - 00:09 0 Views
Muchinda tasa arambwa Asst Comm Nyathi

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MAPURISA ari kukurudzira veruzhinji kuti vasiyane netsika yekuzviuraya kana vachinge vasangana nematambudziko asi kuti vatsvage vayananisi semafundisi kana ivo mapurisa.

Izvi zvinotevera nyaya yemukomana wemakore 18 okuberekwa airoja mumusha weGlen View, muguta reHarare, uyo anonzi akazviuraya mushure mekunge atsiurwa nevabereki vemusikana waaidanana naye kuti varambane sezvo musikana uyu asati abva zera.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanoti Priviledge Mutasa (18) ange chidanana nemusikana asati abva zera asi ndokuzozvisungirira muchimbuzi mushure mekutsiurwa.

“Iyi inyaya inosuwisa zvikuru yemukomana akazvisungirira muchimbuzi nemusi wa1 Gunyana. Mukomana uyu ange achidanana nemwana achibva abvunzwa nyaya iyi zvinova zvakamubata,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Vechikuru vanoziva nyaya iyi vanonzi vakaudza muchinda uyu kuti zvaaiita kutyora mutemo ndokumuti varambane.

“Mukomana uyu anoratidza kuti akarwadziwa nekurambaniswa nemusikana uyu kana kuti akavhunduka paakanzwa kuti iyi imhosva,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Vakakurudzira veruzhinji kuti vasiyane netsika yekuzviuraya kana paine zvavanetsa asi kuti vatsvage vanobatsira nekuvadzikamisa semafundisi, mapurisa nevakuru mumisha.

“Mutemo unoti imhosva kudanana nemwana wose ari pasi pemakore 18 okuberekwa,” vanodaro.

 

Share This:

Sponsored Links