Muchongwe oti zvose bvuu

11 Mar, 2023 - 16:03 0 Views
Muchongwe oti zvose bvuu Edward Muchongwe

Kwayedza

Abel Ndooka

UYU aiva mbambo kuvakomana vekumashure veDynamos FC. Haaibudika zvekumhanya, asi anobvuma: “Peter Ndlovu nemukoma wake Madinda, haaaa, avo vaindishungurudza nekundinzvenga. Kana nanhasi ndikasangana navo ndinovaudza.”

Kana kuchikwata chenyika cheZimbabwe Warriors vaimuziva kuti aisunga zvedi.

Mumakore ake nhabvu yainakidza zvedi, nhandare dzichizara nevatsigiri. Asi zvose izvi zvapera kuti mbombombo sechimbuzi chadhirika muhunonwe hwemvura yeZhizha.

Nemashoko ake, hanzi: “Kana iri ZIFA (Zimbabwe Football Association) musandibvunze. Yawora kunge danda radyiwa nemuchenje. KuZIFA kunoda vanhu vakambotamba bhora, kwete ava . . .”

“Kana tichida kuti nhabvu ibudirire, inofanirwa kutungamirwa nemunhu akatamba nhabvu kusvika padanho repamusoro, kwete zvatiri kuona izvi. Mufananidzo wakanaka tinouona paZambia apa, Kalusha Bwalya akatungamira sangano ravo renhabvu nekuti akambotamba.

“Munyika ino tinopihwa mari yakawanda neFIFA asi iri kungorakashwa iyo inofanirwa kunge ichivaka nhabvu yedu nekusimudzira vechidiki.”

Mari yemazuva iwayo akamboipura seanopura zviyo pajakwara. Nekuti DeMbare yairova bhora sebhora, iye chake bedzi kwaive kusunga kumashure kusimbisa chikwata.

Regai vatsigiri veDeMbare vakazomutumidza zita remadunhurirwa rekuti “Major Murefu”, kuita sameja wemauto chaiye.

Sanganai naEdward Muchongwe.

Muhurukuro yeupenyu hwake neKwayedza kubva achatamba kusvika azosiya, uye paari nhasi, Muchongwe anoita kurudunuka seshinda achitaura zvose pasina kutya kana kunyara.

“Isu takatamba bhora vakomana. Ende kutamba kwataiita nhabvu taitamba nekuda kwerudo kwete zvekutsvaga mari zvave kuitwa nevakomana vemazuva ano.

“Panguva yedu, taitanga taenda kubasa toshanda, kana tapedza basa tochinotamba bhora. Vapfana vemazuva ano havambozvikwanisa zvataiita panguva yedu,” anodaro.

Major Murefu, uyo ari kugara kuMbare kuimba yakasiiwa nevabereki vake, akatanga kutamba nhabvu achiri mudiki kuchikoro cheGwinyai Primary School chiri imo muMbare.

Anoti nhabvu vaiitamba vapedza chikoro vachienda kunhandare dzakasiyana vachitamba mitambo yekubheja iyo inozivikanwa nekuti “money-games”.

Chikwata chake chekutanga kutambira chainzi PG, ndokuzobvako akaenda kuDairiboard.

Atambira Dairiboard, akazotorwa neDynamos naSunday Chidzambwa, ndokuzobva kuDeMbare achienda kuCAPS United apo akapinzwa basa naJulius Chifokoyo.

Anoti panguva yaakasvika kuDynamos, kwaive neshasha dzakawanda uye akaudzwa nevaitambira chikwata ichi, Oliver Kateya naEnerst Mutano, kuti ainge asingakwane muDeMbare, “asi ini ndakavapindura kuti munhu achavaburitsa muchikwata chavo ndini”.

“Sunday Chidzambwa ndiye akanditora kuti ndiuye kuDynamos. Saka ndichisvika kuchikwata ichi, mukoma wangu Garnet Muchongwe ange atoveko kare.

“Mazuva aya Dynamos yaive neshasha dzakawanda. Zvino Oliver Kateya naErnest Mutano vakandibvunza kuti ndichatamba papi sezvo chikwata chainge chizere neshasha kare, ini ndokuvapindura kuti ndichatamba panzvimbo dzavo.

“Zvechokwadiwo, ndakatora zvinzvimbo zvavo nekuti kuDynamos ndakazotamba zvinzvimbo zviviri chete, kumashure sa’left-back’ nepa’center-back’,” anodaro.

KuDynamos, Major Murefu akatamba kubva gore ra1985 kusvika 1990, ndokuzoenda kuCAPS United mushure mekunge apinzwa basa kuCAPS Holdings.

KuKepe-kepe, Major Murefu haana kuzotamba kwemakore akawanda sezvo akazotyorwa gumbo naJoe Sauti, uyo aitambira Mhangura.

“Ndaenda kuCAPS United, handina kuzotamba kwemakore akawanda nekuti ndakatsikwa gumbo naJoe Sauti rikatyoka. Ndipo pazvakazoperera.

“Apa musi wandatsikwa ndakange ndashavedzwa naReinhard Fabisch kuti ndinotambira chikwata chenyika cheDream Team, asi zvakazokona nekuti ndainge ndakuvara.”

Panguva yake, Major Murefu akatambira chikwata chenyika chemaWarriors kanodarika ka40 uye akafamba nemaWarriors kuenda kunotamba kunyika dzakawanda dzinosanganisira Cote d’Ivoire, Mozambique, South Africa neCameroon.

Ari kumaWarriors, akatamba nevatambi vanosanganisira Joel Shambo, Japhet Mparutsa naMoses Chunga uyo nanhasi waanowirirana naye zvikuru.

Major Murefu akasangana nevatambi vakawanda asi anoti Peter Ndlovu naMadinda Ndlovu ndivo vatambi vaviri vaimushungurudza.

“Asi ndaipedzerana navo hangu.

“Peter naMadinda vaindishungurudza pose pataisangana, asi vaizvizivawo kuti handibudike zvekumhanya. Nanhasi Peter ndikasangana naye, anotaura kuti mudhara iwe wainge wakaoma, waindishungurudza nekuti pane mumwe mutambo wandakamuvhara muRufaro umu . . . akatadza kana kuritsika musi iwowo.”

Major Murefu akazvarwa mumhuri yenhabvu, iye nemukoma wake Garnet vose vakatambira Dynamos.

Muchinda uyu akakomborerwa nevanakomana vana (4) asi pavakomana ava mumwe chete bedzi, mudiki ane makore mapfumbabwe, ndiye ari kutamba bhora. Gotwe rake iri akaritumidza zita ramukoma wake Garnet.

Anoti vatambi vari kutamba nhabvu mazuva ano vanofanirwa kuziva kukosha kwemari uye kuchengetedza mari yavo nemazvo, vozvirongera remangwana ravo.

Anobva abvunzwa kuti ko iye akaitei nemari yaakawana mumazuva ake achatamba.

“Isu kare taisawana mari kubhora, taienda kubasa. Saka vakomana vemazuva ano ngavazive kukosha kwemari, vaichengetedze nemazvo kwete kuipedzera kuzvinhu zvisina basa. Mangwana unozochema kana kuti unopedzisira wave kuita mutoro kune vanhu vakawanda, wave kufamba uchipemha. Hazvidi kusvika pakudaro.

“Zvakakosha kuzvirongera remangwana rako, vaka pako pekugara,” anodaro.

Apa iye Muchongwe agere pamba pevabereki.

Major Murefu ari kurarama nekutengesa zvinwiwa, kusanganisira magodo echando (ice), ari pamba izvo anoti zviri kumupa mari.

Anoti anoda kuzvishandira pane kupemha.

“Ini ndinozvishandira, ndinoita zvekutengesa zvinwiwa izvo zviri kuraramisa mhuri yangu. Handidi zvekupemha kune mumwe munhu kwete, ndinozvishandira,” anodaro.

Akamborairidza vatambi vechidiki kuCAPS United asi ndokuzozvirega.

“Magwaro ose ekurairidza nhabvu ndinawo, asi kuti zvekurairidza hazvisi mandiri saka ndakazongosiyana nazvo.”

Nguva zhinji apo anenge ari kumba kwake, Major Murefu anoswera achitandara naEric Aisam vachinwira-nwira doro vachidzora ndangariro dzenguva yavaitamba vose mutambo uyu.

“Mazuva ose ndinenge ndiina Eric Aisam, anopfuura nepamba pangu abva kubasa rake kuDynamos tonwa doro tose tichiseka zvedu tichitaura nyaya dzenguva yataimbotamba nhabvu.

“Chunga anombouya achindiona uye naLloyd Katsvere, munin’ina waEdward ‘Madhobha’ Katsvere,” anodaro Major Murefu.

Share This:

Sponsored Links