‘Mudhila’ onzi akazviuraya

02 Sep, 2022 - 17:09 0 Views
‘Mudhila’ onzi akazviuraya

Kwayedza

Latwell Nyangu

PANE mashoko ari kutenderera anoti imwe shasha yekuita madhiri paXimex, muHarare anogona kunge akazviuraya.

Asi mhuri yake haisi kutaura zvakawanda nezvenyaya iyi uye inokukumbira nguva yekumbochema mudikani wavo.
Murume uyu ari kungozivikanwa saNyathi uye akafa musi weChitatu.

Muna Chikunguru, imwe shasha yemadhiri paXimex, Tafadzwa “Boss Pango” Murengwa, akazviura achangobva mukuponda musikana wake, Samantha Dzapata.

Pakafonerwa munin’ina wemufi uyo akangozivikanwa saKuziva, akangoti: “Tinokutendai nekutiremekedza, asi hatikwanise kukuudzai zvakawanda, hapana nyaya apa.

“Mukoma wangu akashaya tisina kuzvitarisira saka chandinokwanisa kukuudzai ndechekuti mukoma wangu aive akanaka zvikuru, aiedza nepaanogona kutichengeta senherera.”

Vamwe vanoita mabasa emadhiri paXimex Mall vari murima panyaya iyi.

“Hatisi kumboziva kuti chii chakaitika,” anodaro mumwe “anomhanyisa” madhiri apa.

Share This:

Sponsored Links