Mudzidzisi okwenya magitare

19 Oct, 2022 - 14:10 0 Views
Mudzidzisi okwenya magitare Clara Chireshe

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MUDZIDZISI wechidzimai wepachikoro cheSouth Downs Primary, kuChipinge oita zvinorova nekuimba musambo wechitendero uye ane dambarefu raakabura kumavambo kwegore rino.

Clara Chireshe (37), uyo anopinda chechi yeUnited Apostolic Faith Emmanuel Church yekuChipinge, ane dambarefu rinodaidzwa kuti Havakundikane iro akabura mumwedzi waKukadzi gore rino uye rine nziyo nhanhatu.

“Zvekuimba zvakatangira kumhuri yandinoberekwa uko ndaingopinda mukwaya yekuchechi zvandinoita nanhasi kusvondo kwedu. Ndazopinda mubasa rehudzidzisi iri, ndinoimbisa vana zvakare saka zviri muropa.

“Padambarefu rangu rekutanga rine nhanganyaya inonzi Havakundikane kureva Mwari vedu nekanonzi The Lord Heals.

Dzimwe nziyo dziripo dzinoti No One, Rumbidzo, Munogona naMutshidzi Wanga,” anodaro Chireshe.

Anoti munguva pfupi iri kutevera, achaparura rimwe dambarefu idzva rine nziyo pfumbamwe.

“Dambarefu rechipiri iri rine nziyo pfumbamwe dzinoti nhanganyaya Wazviitirei, ichiteverwa naZino, Muchengeti, Kunashe, Faithful God, Ndakaona Jesu, Miyela Moya, Tipei Simba naJesus,” anodaro Chireshe.

Clara Chireshe

Muimbi uyu ane chikwata chake chinodaidzwa kuti Soul Harvesters icho chadzika midzi mudhorobha reChipinge.

“Ndinonyora ndoga nziyo nekuimba nekuzobatsirwa nechikwata changu kusunganidza zvose zvinodiwa sezvo ndichiridza magitare, keyboards, hosho nezvimwe. Nhengo dzechikwata changu dzinoti Macdonald Jumburu, Kelly Maranda, Prince Machaka, Tinashe Garwi, Shadreck Sithole, Blessing Sithole, Nomatter Dube naSolimasi Muparuri. Takabatana kudai, zviri kufamba,” anodaro Chireshe.

Muimbi uyu anoti vanoenda vachivaraidza vanhu munzvimbo dzakasiyana muChipinge.
“Dambudziko randinaro nderePA system iyo yandinokumbira kuruzhinji rweZimbabwe kuti vandibatsirewo,” anodaro Chireshe.

Anoti pose pavanoda kuita mashoo avo vanohaya midziyo yekuridzisa izvo zvinovadhurira zvikuru.

Chireshe anoti hapana chinomukanganisa kuita zvekuimba pamwe chete nebasa rake rehurairidzi.

Share This:

Sponsored Links