Mudzimai (63) abara mwana

22 Nov, 2022 - 12:11 0 Views
Mudzimai (63) abara mwana

Kwayedza

Flora Fadzai Sibanda

MUNYAYA inoshamisa, mudzimai wekuBulawayo ane makore 63 okuberekwa akabara mwana kuburikidza nenzira yeIn Vitro Fertilization Procedure (IVF) panzvimbo yeBulawayo Assisted Reproductive Technology (BART), anova mumwe wemadzimai mashanu chete pasi rose akasununguka nenzira iyi pazera iroro.

Munguva yeIVF, mazai akakura anotorwa kubva muchibereko uye anosangana nembeu yemurume murabhoritari. Zvadaro, zai rakasangana nembeu (embryo) kana mazai (embryos) anoendeswa kuchibereko.

BART yanga ichinyanya kubatsira vanhu vane matambudziko embereko kubva payakavhurwa munaZvita 2016.

Ndiwo muzinda wechipiri wakadai munyika muno mushure mewekutanga wakavhurwa kumakore ekuma1980 muHarare.

IVF inogona kuve sarudzo kana mudzimai akavharika dzira dzechibereko zvinoita kuti zviome kuti zai risangane nembeu yababa.

Murume nemukadzi vanogonawo kusarudza IVF kana mukadzi aine mafibroids muchibereko izvo zvinogona kukanganisa kuiswa kwezai rasangana nembeu.

Muhurukuro, mukuru weBART, Dr Jephat Moyo, vanoti nyaya yemudzimai ane makore 63 ekuberekwa haiitike nyore uye vanofara kuti yabudirira.

“Muchirongwa cheIVF, hatingati tine zera chairo rekuti nzira iyi ibudirire, asi mikana midiki zvikuru kune vane makore akawanda okuberekwa sepanyaya iyi.

“Ndinofunga kuti pasi rose, hapana nyaya dzinodarika shanu dzemadzimai akabata pamuviri vava nemakore 60 okuberekwa zvichikwira,” vanodaro Dr Moyo.

Asi vanoti havakwanise kutaura zvakawanda maererano nerombo rakanaka remudzimai wekuBulawayo uyu sezvo achiratidza kuti haadi kutaura nyaya yake.

Vanaamai vazhinji vanobata pamuviri kuburikidza nenzira iyi vanozeza kutaura nyaya dzebudiriro yavo nekutya rusarura.

Dr Moyo vanoti pari zvino budiriro yavo iri pa40-45 percent uye vana vanodarika 127 vazvarwa kubva pakavhurwa muzinda uyu.

“Kuti munhu ange achikodzera kupinda muchirongwa ichi, pane ongororo yatinotanga taita. Tinotanga tatarisa kuti dambudziko rembereko riri papi, toona kuti harigadzirike here kuburikidza nekushandisa mimwe mishonga. Tinozviita chete mushure mekunge dzimwe nzira dzese dzatadza kushanda kuti tizoende kuIVF,” vanodaro.

Dr Moyo vanoti nguva zhinji, chirongwa ichi chinoitwa kana munhu akavharika machubhu zvinoita kuti mbeu yababa ikundikane kufamba yakasununguka kuenda kuzai kana kuti mbeu iri shoma yotadza kusangana nemazai.

“Mudzimai anogona kubaiwa majekiseni kwemazuva gumi nemaviri uye zuva rega-rega achishandisa US$150-200. Kana munhu akaverenga mari iyi, nzira yacho inotaridza kuti inodhura,” vanodaro Dr Moyo.

Vanoti muzinda wavo haubatsire vagari vekuBulawayo chete sezvo vamwe vachibva kumativi mana enyika vari kuwanawo rubatsiro.

Dr Moyo vanoti mwana anobarwa nepamuviri panobatwa pachishandiswa nzira yeIVF akafanana nevamwe vana vose nekudaro zvakakosha kuti pave nemushandirapamwe wekurwisa nyaya dzerusarura.

“Hapana anoda kudyidzanidzwa neIVF nekuti vanhu vanotya rusarura,” vanodaro Dr Moyo.

Mukutanga kwegore rino, mudzimai ane makore 63 okuberekwa wekuNigeria, Mai Temitope Ogundiphe, akasununguka mwana mukomana kuburikidza neIVF paOlives Specialist Hospital, Ado – Ekiti.

Muna 2016, pachipatara chakazvimiririra kuMelbourne mukadzi ane makore makumi matanhatu nematatu ekuberekwa akava wekutanga ane makore akawanda kudai kunyika yeAustralia kusununguka mwana musikana nenzira yeIVF.

Share This:

Sponsored Links