Kingstone Mapupu
MUDZIMAI aigara mumusha waSabhuku Manyozo kudunhu raMambo Rusambo kuRushinga, kuMt Darwin akapondwa ndokudamburwa musoro uyo wakazowanikwa uri muchimbuzi uye pane fungidziro huru yekuti akaurayiwa neaimbove murume wake mushure mekunge amuramba.
Mutauriri wemapurisa kupurovhinzi yeMashonaland Central, Inspector Milton Mundembe, vanoti mutumbi waGrace Murenza (28) wakawanikwa mumba pamba pehanzvadzi yake Barnabas Murenza (42) apo aigara.
Vanoti nemusi wa23 Gunyana nenguva dza5:30 mangwanani, Prisca Kamuriwo anova mwanasikana waGrace akamuka ndokuenda kumba kwairara amai vake achida kunotora mbatya dzechikoro uko akasvikoona mutumbi wavo uri mumba usina musoro.
“Musikana uyu akasvika pavharanda ndokuona pazere ropa apo akavhura dhoo remumba mairara amai vake akabva asangana nemutumbi wavo wakatarisa mudenga uye wakadamburwa musoro. Akabva amhanyira kuimba yekubikira kwaiva naambuya vake, Rhoda Murenza (76), akanovazivisa vachibva vazoridzira nhare Barnabas Murenza anova muridzi wepamba pavaigara,” vanodaro Insp Mundembe.
Vanoti Barnabas akazomhan’ara nyaya iyi kumapurisa eZRP Rushinga pamwechete nekuchikamu chematikitivha eCriminal Investigations Department (CID) kuMt Darwin.
Insp Mundembe vanoti pakasvika mapurisa paimba iyi ine mipanda mina, vakaona mutsetse weropa pavharanda richipinda mumba zvinotaridza kuti mudzimai uyu anogona kunge akaponderwa panze ndokuzozvuvirwa mutumbi wacho mumba.
“Mbatya dzemufi uyu dzaiva dzakamwararidzwa mumba umu uyewo mutumbi wakadamburwa musoro uyo wakazowanikwa wakakandwa muchimbuzi chiri padyo nepamba paigara mufi uyu. Chombo chakashandiswa pakuuraya mudzimai uyu chakawanikwa zvakare nemapurisa. Mutumbi uyu waiva wakapfeka blue fleece jacket uyewo waiva wakamonerwa kuzasi nejira, wakazotakurwa kuendeswa kumochari yechipatara cheChimhanda uko wakamirira kuongororwa nanachiremba,” vanodaro Insp Mundembe.
Mukufeewa kwenyaya iyi, mapurisa anoti pane fungidziro huru yekuti mudzimai uyu anogona kunge akapondwa neaimbova murume wake, David Meja, uyo akange adzingwa nemudzimai uyu pamba ndokuenda kusingazivikanwe.
Zvinonzi Grace naMeja vaigara vachinetsana zvakazoita kuti murume uyu adzingwe pamba nemudzimai achibva aenda kusina anoziva.
“Zvakadai, semapurisa tiri kutsvaga David Meja nenyaya inofungirwa kuti ndiye akaponda mudzimai wake, Grace Murenza, nekuda kwegodo rekuti akanga arambwa. Tinoti kune vanoziva kune murume uyu vabatsire mapurisa asungwe aendeswe kumatare edzimhosva nenyaya dzaari kupomerwa idzi,” vanodaro Insp Mundembe.
Vanoenderera mberi vachiti: “Muridzi wepamba pavaigara, Barnabas Murenza, aigarawo munzvimbo yemabhizimisi yeRushinga. David Meja nehama dzake vanonzi vaisawirirana nekuda kwehunhu hwake hunonzi hauna kuita zvakanaka nekudaro amai vaGrace Murenza, Rhoda Murenza (76), vakanga vazivisa mwanasikana wavo kuti achisiyana nemurume uyu.”