Mudzimai akaroorwa opfuhwira chikomba

01 Dec, 2024 - 10:12 0 Views
Mudzimai akaroorwa opfuhwira chikomba Mambo Saunyama

Tendai Gukutikwa

MUDZIMAI wekuNyanga anoti ashaya zano rekuita nekuda kwemurume wake uyo asiri kuchengeta mhuri yake iyo iri kudya nhoko dzezvironda kwemakore matatu adarika zvichitevera kupfuhwirwa kwaanonzi akaitwa nemumwe mukadzi akaroorwa.

Prisca Matimba akapotera kudare raMambo Saunyama svondo rapera achiti murume wake (zita harina kutaurwa nekuti aive asimo mudare) akapofamadzwa nemupfuhwira zvekusvika pakusiya mhuri achinogara pabhawa reshamwarikadzi yake inonzi Abigirl Mandipa.

Nyaya iyi yakazobuda pachena mushure mekurwisana kunotyisa kwemadzimai maviri aya izvo zvakasiya  Matimba aine mavanga asingaperi.

Matimba akarondedzera nyaya yake mudare apo kumeso nepadumbu paive nemavanga aioneka ayo anonzi ndeekuchekwa kwaakaitwa nemabhodhoro akapwanyika paakarwiswa naMandipa vachiwira murume wake.

Anoti akaenda kubhawa uku kunotsvaka murume wake uyo akanga ava nemwedzi yakawanda asina kutsika pamba paakazonorwa naMandipa.

“Mandipa ndakasangana naye kubhawa kwake ndichida kuti andipindure kuti sei achigara nemurume wangu asi iye ane murume wake. Murume wangu akange akadhakwa pandakasvikako ndakabva ndadhumana naMandipa.

“Akandicheka-cheka nemabhodhoro akapwanyika. Chishamiso kuti ndakapona pakurwiswa kwehutsinye uku uye kuti mwana wangu haana kukuvara. Aida kundiuraya. Dai pasina mubatsiri wenyu (jinda ramambo) aive panzvimbo iyi ndingadai ndakafa,” anodaro Matimba izwi rake richidedera.

Matimba akabuda pachena kuti murume wake dzimwe nguva anokumbira rubatsiro achiti akanganiswa pfungwa dzake nekupfuhwirwa kwaakaitwa naMandipa.

“Dzimwe nguva kana abengenuka kubva mukupfuhwirwa uku anondiudza kuti anoda kubatsirwa nekudaro ndinofanirwa kutsvaga munhu anomurutsitsa mupfuhwira waakadyiswa naMandipa. Anoti anondida, asi mushonga wemupfuhwira unomupofumadza sezvo une simba,” anodaro.

Matimba anotiwo akanga amhan’ara kumapurisa nezvekurwiswa kwake naMandipa izvo zvakaita kuti asungwe.

Zvisinei, anoti Mandipa akazomukumbira kuti abvise nyaya iyi kumatare achivimbisa kumubhadhara mari yekurapwa kwakaitwa.

“Haana kumbondibhadhara mari yandakashandisa kurapwa kuchipatara. Pane kudaro, ari kufamba achizvirova dundundu achiti akandidzidzisa chidzidzo pamurume wangu. Izvezvi ndine mavanga asingapere, ndinoda kuti andipe mari yekuchipatara,” anodaro Matimba.

Achiwedzerwa kurwadziswa kwake, Matimba anoti Mandipa akanga aramba kuuya kuzomira pamberi pedare raMambo Saunyama achiti i“kangaroo court.”

“Akati haauye kuno nekuti dare iri rakazvidzika zvakanyanya kana achitarisa zvaari, ndokusaka asina kuuya,” anodaro.

Matimba akaratidzawo kushushikana nekushaya rutsigiro kuvana vake avo vari kutambudzika nekushaya baba vavo.

“Nyaya iyi ndakaisvitsa kuvashandi veCommunity Child Care nekuti vana vedu vari kutambura nekuda kwekushaya kwababa vavo, asi ini handisati ndawana rubatsiro.

“Aparadza mhuri yangu akandisiya ndichinetseka nevana. Ave nemakore matatu achigara nemurume wangu uye ndiri kuteterera kuti ndibatsirwe. Ndinoda kuti murume wangu adzoke,” anodaro.

Mambo Saunyama, vachitaridza kushatirwa nekuita kwaMandipa, vakatonga kuti anofanirwa kubhadhara Matimba US$200 yaakashandisa kuzvirapisa kuchipatara.

“Dare rino haritore mhirizhonga sechinhu chisina basa uye zvaakaita, kungava kubhawa kwake kana kwete, hazvitenderwe.

“Matimba anofanirwa kuripa kukonzera kwaakaita mavanga akasara paari (Matimba), pamuviri nemupfungwa. Kurwa kunorambidzwa munzvimbo yangu. Nekuda kwaizvozvo anofanirwa kuripa mbudzi yedare,” vanodaro Mambo Saunyama.

Vakati kutongwa kwenyaya iyi kuchazoenderera mberi munguva pfupi inotevera kuitira kuti murume waMatimba azoshevedzwa dare rigoongorora kuti angabatsirwe sei kuti akwanise kurutsiswa mupfuhwira waanonzi akadyiswa.

Share This:

Sponsored Links