Mudzimai akazvipfura

10 Sep, 2020 - 10:09 0 Views
Mudzimai akazvipfura

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MAPURISA emuHarare ari kuferefeta nyaya yemudzimai aive nemakore 29 okuzvarwa uyo anonzi akazvipfura nepfuti akafa mushure mekukakavadzana nemurume wake.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi vanoti mudzimai uyu aigara mumusha weMarlbrough nemurume wake ane makore 34 okuberekwa uye nemusi weSvondo wadarika vakaenda kunofara vachinwa nekudya kumba kwashamwari yavo kuWaterfalls muHarare.

Vanonzi pakudzoka kumba, vaviri ava vakatanga kunetsana vari mumotokari yavo nekuda kwezvikonzero zvisati zvazivikanwa.

“Mushure mekuswera vachinwa nekudya vachifara vari kumba kwasahwira wavo, vaviri ava vakazooneka manheru vararadza ndokutora motokari yavo vonanga kumba kwavo kuMarlbrough. Vari mumugwagwa, zvinonzi vakatanga kunetsana kusvikira mudzimai akaburitsa mashoko ekuti rudo rwake nemurume uyu rwakanga rwapera,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Mukunetsana uku, zvinonzi murume akaramwa ndokuburuka mumotokari iyo yakasara ichityairwa nemudzimai akazoenda oga kumba kwavo murume ndokusara.

“Amai vakaenda voga kumba murume ndokusara achitsvaga tekisi iyo yakazomusvitsa kumba. Akasvikovhurirwa gedhi nemushandi apo ivo amai vakanga vatopinda mumba. Mudzimai uyu anonzi akazotora pfuti achibva azvipfura ndokufa,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Vanoti havasati vaziva kuti nyaya chaiyo yakanetserana vaviri ava ndeyei.

“Mapurisa vari mubishi kuongorora nyaya iyi. Asi zvakadaro, hatisati tava kukwanisa kuburitsa mazita emufi kusanganisira neremurume kuburikidza nekuferefeta uko tiri kuita,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Vanoyambira veruzhinji kuti vazive pekugumira kana vachinwa doro.

“Zvinoratidza kuti vaviri ava vakanga vabva zvakanaka kumba kwasahwira uko vainwa nekudya. Saka tinoti kana vanhu vadhakwa, ngavasiye zvekutaura nyaya dzemusha nekuti vanozobata dzimwe dzinoshatirisa. Hatikurudziri kuti vanhu vasvike pakutora upenyu hwavo uye kana vagumburisana ngavatsvage vayananisi,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Share This:

Sponsored Links