Mudzimai ‘anorova’ mabhazi

08 May, 2024 - 08:05 0 Views
Mudzimai ‘anorova’ mabhazi Sinikiwe Nyamweda

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MUDZIMAI wekuMhondoro anova mutyairi webhazi anoti hapana basa rinonzi rinokwanisa kuitwa nevarume chete.

Muzvare Sinikiwe Nyamweda (30) – uyo anotyaira mabhazi kukambani yeNyamadzawo Investments anobva paMbare Musika, muHarare, kuenda kwaMubaira, kuMhondoro – anoti ave nemakore matatu achiita basa iri.

“Ndichidzidza kusvika Form 6 pane chimwe chikoro mumusha weGlen View, muHarare, handina kumbotarisira kuti ndichaguma ndava mutyairi webhazi. Hongu, ndine mamwe mabasa andinoita panguva yangu yakasiyana kusanganisira kutyaira mabhazi. Ibasa rinoda hushingi zvaro nekuti nguva dzose unenge uine vanhu vechirume,” anodaro Muzvare Nyamweda.

Anoti achikura, aingoona mabasa akaita sekutyaira nemamwe achiitwa nevanhurume chete.

“Sezvo tichangobva kucherechedza zuva redu revashandi, ndinoti ngatishandei mabasa ose uye madzimai ave kupindawo mumigodhi, iko kutyaira uku nemamwe mabasa emumahofisi. Ndinotenda kuti tine vatungamiri vakawanda vechidzimai munyika medu vari kuita mabasa akasiyana,” anodaro.

Muzvare Nyamweda anoti ane rimwe basa raanoita nguva zhinji uye anozoenda kumabhazi kana akazorora.

“Ndinoti kana ndakazorora kune rimwe basa randinoita, ndinouya kumabhazi ndotyaira zvangu semunhu ane chitambi cheClass 1 ndichienda nemabhazi kuMhondoro kuti ndiwedzere mari yangu. Munoziva mabasa akadai vanhurume vanogona kuda kutora mikana yekushungurudza madzimai, asi ndinoshanda nevarume vanova hama vazhinji vacho.”

Muzvare Nyamweda anokurudzira vanhurume kubata vanhukadzi zvakaenzana mumabasa pasina kuvasarura kana kuvashungurudza.

“Semadzimai, ngatishandei pamwe chete nevarume kuti nyika yedu ibudirire asi vorega kutishungurudza iya yatinoti ‘sexual harassment’. Mazuva ano hazvinetse, mutemo uriko uye vakadaro vanoendeswa kumajeri,” anodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey