Mudzimai ‘apaka bhazi’ . . .   MAI KUNWA MAPIRITSI MURUME ASINGAZIVE

23 Sep, 2020 - 12:09 0 Views
Mudzimai ‘apaka bhazi’ . . .       MAI KUNWA MAPIRITSI  MURUME ASINGAZIVE Dr Ruth Labode

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

“FAMILY PLANNING” muwanano inofanirwa kuitwa bedzi kana murume abvumirana nazvo here? Ko zvikaitwa asingazive? Ivo varume vane chekuita here pakuronga mhuri?

Nyaya dzekuronga nekurera mhuri dzinonzi dziri kukonzeresa mhirizhonga yemudzimba – zvikuru kana dzikaitwa pasina kuwirirana kwababa naamai.

Vamwe vanoti hazvigoneke zvachose kuti mudzimai ashandise nzira dzekuronga mhuri – angava mapiritsi kana majekiseni – murume wake asina kutanga abvumirana nazvo.

Hanzi zvikaitika zvinoreva kuti mai vanenge “vapaka bhazi” baba vasingazive.

Vamwewo ndivo vanoti kuronga mhuri ibasa remudzimai nekuti utano ndehwake, ndiye anonwa mapiritsi kana kubaiwa majekiseni, kwete murume.

Pamwe pacho mudzimai anenge atoona kuti akasaronga mhuri, imba inozara nevana vanozonetsa kuriritira kana kuti iye zvigomukanganisa utano hwake – kwete hwemurume.

Muhurukuro nedzimwe nhengo dzedare reParamende uye neveruzhinji, zvakaonekwa kuti madzimai nevasikana vakawanda vari kutsvaga nekushandisa nzira dzekuronga nekurera mhuri vari voga pasina vadikani vavo.

Hanzi ndipo panotangira “chimoto” chacho ipapa.

Mai Felicia Mangwende, avo vanova executive director wesangano reRegional Network of Children and Young People Trust, vanoti kuronga mhuri idambudziko guru rakanyanya kurerekera kumadzimai zvichiita kuti vazosvika pakunotsvaga rubatsiro kuchipatara voga.

“Varume vashoma vanokoshesa nyaya dzekurera mhuri nekuti zvinongonzi ndezvemadzimai sezvo vari ivo vanotakura mimba nekubara. Chavo bedzi varume kuudza madzimai avo kuti vanoda vamwe vana.

“Saka murume akazoona mudzimai asisabate mimba, zvinogona kuunza mhirizhonga mumba sekurwa kana kuti murume anoti ava kuda kutora mumwe mukadzi anomuberekera vana,” vanodaro.

Vanoti rimwe dambudziko riri kusangana nemadzimai ekumaruwa – zvikuru munguva ino yekurwisa chirwere cheCovid-19 – kushaya mishonga yekuronga mhuri muzvipatara nemakiriki.

“SekuRushinga, kune kiriniki nechipatara chimwe chete chinova chiri kure zvikuru. Madzimai paanoenda kunotsvaga mishonga yekuronga mhuri, vanoudzwa kuti yakapera kana kuti varapi vari kuda kushanda nenyaya huru sekubatsira vakazvitakura apo kurera mhuri kusingatorwe sekwakakosha. Izvi ndizvo zvimwe zvinokonzera pamuviri pasina kurongekerwa zvichizounza matambudziko anosanganisira nzara neurombo,” vanodaro.

Cde Josphine Shava, avo vanomirira dunhu reMashonaland West mudare reNational Assembly (Proportional Representation), vanoti kumaruwa madzimai anotosungirwa kutanga vaudza vanababa kuti vapihwe mvumo yekuronga mhuri.

“Kurera mhuri inyaya hombe zvikuru kumaruwa. Vanababa vanotoda kutanga vasumwa nemadzimai avo kuti ndava kuda kuronga mhuri. Saka madzimai nekurwadziwa nekubereka uye kuziva nhamo iri pamusha, vanonosungwa zvibereko vanababa vasingazive.

“Ivo vanababa kana vakazobuda kunze vakanoita vamwe vana ‘vemusango’, vanenge vozvipembedza vachiti handiti ndiwe wakaramba kubereka. Kuita kwakadai kunogona zvekare kuzounza zvirwere zvepabonde mumba,” vanodaro.

Dr Ruth Labode – vanove mumiririri weMatabeleland North mudare iri (Proportional Representation) vari zvakare sachigaro wekomiti yedare iri inoona nezveutano nekurerwa kwevana – vanoti zvekushandisa pakuronga mhuri zvinofanirwa kuwaniswa pachena kumazera ose uye pasina rusarura.

“Hatichafanira kutaura kuti nyaya dzekuronga mhuri dzinotangira pazera rakati nekuti kutaura chokwadi vana vasati vayaruka nevanhu vakuru vose vari kuita zvebonde. Kana mukaona Hurumende yobvuma kuti vana ngavaende kuchikoro vakatakura pamuviri kureva kuti iri kuzvibvuma kuti pwere dziri kuita zvebonde.

“Nokudaro kuti tidzivirire dambudziko iri, zvakakosha kuti mimwe mitemo iyo inoomesera vana kuti vakwanise kurapwa zvirwere zvepabonde kana kuwanisa nzira dzekurera mhuri irerutswe,” vanodaro.

Vanoti varapi vazhinji vanobatsira chete mwana kana achinge aperekedzwa kuchipatara nemubereki kana mumwe munhu mukuru anova muchengeti zvichiita kuti vamwe vavo vakundikana kuwana nzira dzekuronga mhuri.

“Zvinorema kwazvo kuti vana vadure kuvabereki vavo kuti vave kuita zvepabonde nokudaro vanoenda kuzvipatara nemafamasi nerweseri kuti vabatsirwe, asi kana vasvikako vanoshaiswa rubatsiro urwu vachinzi vachiri vadiki,” vanodaro.

VaCollen Magobeya vanove mubereki wemuHarare vanoti varume havasi kutsigira madzimai avo pakuronga mhuri.

“Varume havatodi kana kunochekwa (vasectomy) kuti vabatsire madzimai avo pakuronga mhuri. Ndokusaka madzimai vachizoenda voga,” vanodaro.

Cde Susan Madziva vanomirira Harare mudare reNational Assembly (Proportional Representation) vanotiwo pwere dzakawanda dziri kupinda munyaya dzepabonde, saka havasi vanhu vakuru bedzi vanoda kuronga mhuri.

“SekuEpworth kune kunonzi kuma’Booster’ kune chipfambi chinorura chiri kuitwa nepwere dzine makore gumi zvichikwira zvinosiririsa. Nokudaro zvakakosha kuti vanawo vabatsirwe nekupangwa mazano uye kurapwa,” vanodaro.

Kuchiti Cde Elizabeth Shongedza avo vanomirira Mashonaland Central mudare iri zvakare vanoti zvimwe zvezvinhu zvinoonekwa nepwere pamaterevhizheni nepadandemutande zvinogona kuvatuma kuti vamhanyire nyaya dzepabonde nguva isina kukwana vogumisira vaita pamuviri pasina kurongeka sezvo vanenge vasina ruzivo rwekuronga mhuri.

Diana Mailosi anova murongi kusangano reCompass anoti zvinoda mushandirapamwe wevabereki, Hurumende, vana uye varairidzi kuti paonekwe nzira kwadzo dzingabatsire mukudzivirira kubata pamuviri nezvimwe zvirwere zvesikarudzi kuvana.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey