Mudzimai apisa murume nepeturu 

26 May, 2024 - 16:05 0 Views
Mudzimai apisa murume nepeturu  Dare

Kwayedza

Mashudu Mambo

MUKADZI ane makore 42 okuberekwa wekuMaphisa, kudunhu reMatabeleland South, uyo ari kupomerwa mhosva yekuuraya murume wake achinzi akamudira peturu ndokuzomupisa zvichitevera kunetsana kwavakaita nenyaya yekuti mushakabvu uyu aiita gumbo mumba gumbo panze, achapihwa mutongo wake munguva pfupi iri kutevera.

Sindiso Ndlovu akamiswa pamberi pemutongi wedare guru reBulawayo High Court, Juctice Nokuthula Ndlovu, akatarisana nemhosva yekuponda. Akaramba mhosva yake

Zvinonzi nomusi wa19 Gumiguru muna2019 nenguva dza9 manheru, Ndlovu nemuchakabvu Busani Ncube vaive kumba kwavo apo pakamuka kunetsana Ncube achipomerwa nemudzimai wake kuti aive asina kuvimbika muwanano yavo.

Ndlovu anonzi akakiya gonhi remubhedhuru apo Ncube aive akarara pamubhedha. Anonzi akazodira peturu mushakabvu uyu muviri wose ndokumutungidza nemachisi.

Nyaya iyi yakazomhan’arwa kumapurisa zvakazoita kuti Ndlovu asungwe.

Ncube akaendeswa kuchipatara cheMaphisa District Hospital ndokuzodarikidzwa kuUnited Bulawayo Hospitals nekuda kwekunyanya kukuvara kwaakange akaita nekupiswa uku.

Akafa musi wa8 Ndira 2020 uye ongororo yakaitwa nanachiremba yakataridza kuti rufu rwake rwakakonzerwa nekutsva kwakaipisisa.

Pakutongwa kwenyaya iyi, muvakidzani wemushakabvu, Ndabezinhle Sibanda, akapa huchapupu hwekuti aiva kuMaphisa Business Centre achinwa doro nevamwe apo vakanzwa mashoko ekuti Ncube aitsva ari mumba make.

Vakamhanyira kumba uku vakawana Ncube atsva pahuro nepadumbu.

Sibanda anoti akaonawo chigubhu chepeturu chemarita 25 chiri mumba. Vakashandisa banga kucheka mbatya dzemufi dzaitsva.

Vapedza kudzima moto negumbeze, vakabva vamumhanyisa kuchipatara.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey