Mudzimai arambirwa huchapa

01 Nov, 2024 - 14:11 0 Views
Mudzimai arambirwa huchapa Dare

Tinashe Mlambo

MURUME wekuSakubva kwaMutare anoti akaramba mudzimai wake nekuda kwehuchapa hwakanyanya sezvo akazosvika pakukanda mapfumo pasi.

Izvi zvakabuda mudare reMutare Civil Court apo Arnold Magwinya akadhonzerwa naSharon Magwinya achida US$200 yekuchengeta vana vavo vaviri.

Vaviri ava vakamira pamberi pemutongi VaXavier Chipato avo vakati Arnold anofanirwa kubvisa US$150 pamwedzi yekuchengeta vana vaviri ava.

Sharon akaudza dare kuti murume wake akanga amusiya nevana vasina chekubata kwemwedzi mitatu yadarika izvo zvaiita kuti dzimwe nguva varare nenzara.

“Mambo wangu, murume wangu akarega kuuya kumba mwedzi mitatu yadarika. Vana vangu vari kufa nenzara sezvo ini ndichiwana mari shoma kubva mubhizimusi rangu diki rekutengesa michero. Ndaimufonera kakawanda asi aisadaira nhare yake. Ndakatozobvunza vanhu vakawanda kwaaive apo imwe shamwari yake yakandizivisa kuti ane shamwarikadzi yaanodanana nayo inogara kuNyanga.

“Ndinogarawo nehanzvadzi yake nemunin’ina wake. Vese vari vaviri vanoenda kuchikoro. Kana dare rikabvuma chikumbiro ichi chemari inosvika US$200 semendenenzi, handina dambudziko nekuti hama dzake dzinogara neni,” anodaro Sharon.

Anoti vamwene vake vakambozama kutaura naArnold nezvehunhu hwake hwakaipa hekusachengeta mhuri yake asi zvakashaya basa.

Achipawo divi rake, Arnold akapomera mudzimai wake kuita huchapa hwakanyanya.

“Mukadzi uyu ane huchapa hwakanyanya. Ndine chokwadi chekuti munogona kutoona kubva mumapfekero ake. Haazvichengetedze uye haatombogezi. Ndakaedza kakawanda kumuyambira kuti handingarambi ndichishivirira hunhu hwakadaro, asi akaramba kusanduka zvinova zvinorwadza mwoyo wangu. Mukadzi rudzii anotora mazuva anopfuura maviri asina kugeza!” anodaro.

“Zvese izvi achizviita muzita rebhizimisi uye achiti anoshaya nguva? Vana vangu ndinovada uye ndinokumbira ruregerero nomwoyo wose nekusava baba vakakodzera. Ndinovimbisa kugadzirisa hunhu hwangu hwakaipa asi mari yaari kuda yakawandisa nekuti ndiyo chaiyo yandinowana kubasa. Ndiri kuvapa US$150 kuti vakwanise kudya nekuendawo kuchikoro. Sharon anofanira kusandukawo kuti ave nani, pamwe ndinogona kudzoka kumba nekuti ndichiri kuda mhuri yangu zvisinei nemamiriro akaita zvinhu.”

Anorld akajekesa zvekare kuti haana kumbobvira arega kudaira nhare apo amai vake, mudzimai wake kana imwe hama pavaifona achiti nhare yake haisi kushanda zvakanaka.

Share This:

Sponsored Links