Uncategorized

Mudzimai ari kushaikwa

05 Aug, 2022 - 17:08 0 Views
Mudzimai ari kushaikwa Mudzimai osvagiwa

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) vanoti vari kutsvaga mudzimai anonzi Caroline Dzenga (55) anogara panhamba 25 Chiremba Road kuHillside muguta reHarare uyo akapedzisira kuonekwa ari kuGweru.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, vanoti mudzimai uyu akagumisira kuonekwa nemusi wa26 Chikunguru apo aiva padzimba dzekutandarira muguta reGweru.

“Tiri kukumbira kuruzhinji kuti kune vanoziva vatibatsire kutsvaga mudzimai anonzi Caroline Dzenga akagumisira kuonekwa achibuda mudzimba dzekutandarira dzepaMint Leaf Lodge mumugwagwa waRobert Mugabe kuGweru. Aive akapfeka rokwe rine mavara egreen, yellow nemachena. Akabuda padzimba dzekutandarira idzi nenguva dza7 mangwanani achida kuenda kuchivakwa cheZim Build kuGweru uko aida kunotanga basa saaccountant,” vanodaro Insp Mahoko.

Vanoti kubva ipapo, mudzimai uyu haana kuzoonekwa kusvika pari zvino.

“Mudzimai uyu haana kuzodzokera kudzimba dzekutandarira idzi kana kusvika kuZim Build Company nekudaro tiri kutsvaga vane ruzivo nekuda kwemafambiro aakaita vatibatsire. Vanogona kuridza nhare votaura naofficer-in-charge ZRP Gweru Central Chief Inspector Goko panhamba dzinoti 0715 212 377, kutaurira mapurisa ari pedyo navo kana kushandisa nhamba dzemapurisa dzeWhatsapp dzinoti 0712 800 197,” vanodaro Insp Mahoko.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey