Mudzimai asununguka vana 9

06 May, 2021 - 15:05 0 Views
Mudzimai asununguka vana 9 Halima Cisse

Kwayedza

MUDZIMAI ane makore 25 ekuberekwa wekuMali akasununguka vana vapfumbamwe – vasikana vashanu nevakomana vana – avo vanove vakawanda nevaviri pane vakange vamboonekwa mudumbu rake nemachiremba apo vakamuvheneka.

Halima Cisse akabara vana ava avo vanodaidzwa kunzi “nonuplets” kuMorocco uko hurumende yekuMali yakange yamuendesa kuti anochengetedzwa nemachiremba vane hunyanzvi.

“Ndiri kufara chaizvo,” murume wake anodaro.

“Mudzimai wangu nevana vari kuita zvakanaka”.

Gurukota rezveutano rekuMali, Fanta Siby, rakorokotedza machiremba ekuMali nevekuMorocco nebasa guru ravakaita pakusunungutsa amai ava.
Mumwe mudzimai akaita vana vasere kuUnited States mugore ra2009, ndiye ari mubhuku renhoroondo reGuinnes World Record panyaya yekusununguka vana vakawanda kamwe chete uye vose vakararama.

Munhoroondo, ma”nonuplets” akasunungukwa kekutanga kuAustralia mugore ra1971 kozoita mamwe kuMalaysia mugore ra1999, asi vana ava vose havana kurarama kwemazuva akawanda. – BBC.

Share This:

Sponsored Links