Kwayedza

Mudzimai azviuraya murume aroora mumwe mukadzi

Muchaneta Chimuka

MUDZIMAI anga ari murairidzi wekuMadziva anonzi anwa muchetura ndokufa mushure mekunge murume wake, uyo anova mupurisa, atora mari yake yemukando achibva anoirooresa mumwe mukadzi.

Auxillia Banda anonzi akazviuraya mushure mekunge murume wake, uyo angozivikanwa saNorman, atora mari yake isati yazivikanwa huwandu hwayo ndokunoroora mumwe mudzimai.

Mudzimai uyu asiya vana vana (4) vanova vasikana vose – ari kuita Form 2, Grade 7, Grade 4 neane makore maviri okuberekwa.

Banda anga achigara kuMadziva uye ari murairidzi weO-Level achifundisa zvekare vana veA-Level zvidzidzo zvemasvomhu (Mathematics).

Anga ava pedyo nekupedza zvidzidzo zvake zveMasters in Mathematics.
Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi vanotsinhira nezvenyaya iyi.

“Ichokwadi, tine nyaya yemumwe mupurisa wekuMadziva anonzi akatora mari yemudzimai wake yemukando achibva anoroora mumwe mukadzi nayo izvo zvakaita kuti mudzimai wake azviuraye. Tiri mushishi kuferefeta nyaya iyi uye zvizere tichakuzivisai munguva inotevera,” vanodaro.